Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 30 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The words of Agur son of Jakeh—the oracle. The man declares: I am weary, O my Father; I am weary, O my Father, and worn out. Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake: Murume uyu akati kuna Itieri, kuna Itieri nokuna Ukari:
2 Surely I am too brutish to be a man; I do not have the understanding of a man. “Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu; handina kunzwisisa kwomunhu.
3 I have not learned wisdom, nor do I have knowledge of the Holy One. Handina kudzidza uchenjeri, uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene.
4 Who has ascended to heaven and come down? Who has gathered the wind in the hollow of his hands? Who has wrapped the waters in a garment? Who has established all the ends of the earth? What is his name, and what is his son's name? Surely you know! Ndiani akakwidza kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!
5 Every word of our Father proves true; he is a shield to those who take refuge in him. “Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.
6 Do not add to his words, or he will rebuke you and prove you a liar. Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.
7 Two things I ask of you; do not withhold them from me before I die: “Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa:
8 Keep falsehood and lies far from me; give me neither poverty nor riches; feed me only the bread that is my portion, Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.
9 for if I am full, I may deny you and say, "Who is God?" or if I am poor, I may steal and profane the name of my God. Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai, uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’ Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba, uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu.
10 Do not slander a servant to his master, or he will curse you and you will be found guilty. “Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.
11 There is a generation that curses its father and does not bless its mother. “Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;
12 There is a generation clean in its own eyes yet not washed of its filth. vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo;
13 There is a generation—how proud its eyes, how scornful its glances! vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora;
14 There is a generation whose teeth are swords, whose fangs are knives, to devour the poor from the earth and the needy from among mankind. vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.
15 The leech has two daughters: "Give" and "Give." Three things are never satisfied; four never say, "Enough": “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:
16 The grave, the barren womb, the land never satisfied with water, and the fire that never says, "Enough." guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’
17 The eye that mocks a father and scorns to obey a mother—the ravens of the valley will pluck it out, and the young vultures will eat it. “Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.
18 Three things are too wonderful for me; four I do not understand: “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:
19 the way of an eagle in the sky, the way of a serpent on a rock, the way of a ship in the heart of the sea, and the way of a man with a young woman. nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.
20 This is the way of an adulteress: she eats and wipes her mouth and says, "I have done no wrong." “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’
21 Under three things the earth trembles; under four it cannot bear up: “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:
22 a servant when he becomes king, and a fool when he is filled with food; muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,
23 an unloved woman when she finally marries, and a servant girl when she displaces her mistress. mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.
24 Four things on earth are small, yet they are exceedingly wise: “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:
25 the ants are a people not strong, yet they store up their food in the summer; Masvosve zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:
26 the rock badgers are a people not mighty, yet they make their homes in the cliffs; mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;
27 the locusts have no king, yet all of them advance in ranks; mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;
28 the lizard you can catch in your hands, yet it is found in kings' palaces. dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.
29 Three things are stately in their stride; four are stately in their walk: “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;
30 the lion, mightiest among beasts, which turns back before nothing; shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;
31 the strutting rooster, the male goat, and a king whose army is with him. mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.
32 If you have been foolish, exalting yourself, or if you have schemed evil, put your hand over your mouth. “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako!
33 For pressing milk produces curds, pressing the nose produces blood, and pressing anger produces strife. Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]