Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The wicked flee when no one pursues, but the righteous are as bold as a lion. Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba.
2 When a land rebels, it has many rulers, but with a man of understanding and knowledge, it stays stable. Kana nyika ikapanduka, inova navatungamiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.
3 A poor man who oppresses the helpless is like a driving rain that leaves no food. Mutongi anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.
4 Those who forsake the law praise the wicked, but those who keep the law strive against them. Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.
5 Evil people do not understand justice, but those who seek our Father understand it fully. Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.
6 Better is a poor man who walks with integrity than a rich man crooked in his ways. Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.
7 Whoever keeps the law is a son with understanding, but a companion of gluttons shames his father. Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.
8 Whoever multiplies his wealth by interest and unjust gain gathers it for one who is generous to the poor. Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.
9 If anyone refuses to listen to the law, even his prayer is detestable. Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza.
10 Whoever leads the upright astray down an evil path will fall into his own pit, but the blameless will inherit good things. Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.
11 A rich man is wise in his own eyes, but a poor man with understanding sees right through him. Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora.
12 When the righteous triumph, there is great glory, but when the wicked rise, people go into hiding. Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.
13 Whoever conceals his sins will not prosper, but whoever confesses and turns from them will find mercy. Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
14 Blessed is the one who always remains reverent, but whoever hardens his heart will fall into calamity. Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.
15 Like a roaring lion or a charging bear is a wicked ruler over a helpless people. Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.
16 A ruler who lacks understanding is a cruel oppressor, but whoever hates unjust gain will prolong his days. Mutongi anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.
17 A man weighed down by the guilt of bloodshed will be a fugitive until death; let no one support him. Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.
18 Whoever walks in integrity will be kept safe, but whoever is crooked in his ways will suddenly fall. Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.
19 Whoever works his land will have plenty of bread, but whoever chases empty pursuits will have plenty of poverty. Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.
20 A faithful man will abound with blessings, but whoever rushes to get rich will not go unpunished. Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.
21 Showing partiality is not good, yet for a piece of bread a man will do wrong. Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu anogona kuita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.
22 A stingy man rushes after wealth and does not know that poverty will overtake him. Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.
23 Whoever rebukes a man will in the end find more favor than one who flatters with his tongue. Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.
24 Whoever robs his father or mother and says, "It is no sin," is a companion to one who destroys. Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza.
25 A greedy man stirs up strife, but whoever trusts in our Father will be enriched. Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.
26 Whoever trusts in his own heart is a fool, but whoever walks in wisdom will be kept safe. Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.
27 Whoever gives to the poor will lack nothing, but whoever closes his eyes to them will receive many curses. Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.
28 When the wicked rise, people go into hiding, but when they perish, the righteous flourish. Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]