Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 27 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Do not boast about tomorrow, for you do not know what a day may bring. Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.
2 Let someone else praise you, and not your own mouth; a stranger, and not your own lips. Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.
3 A stone is heavy and the sand a burden, but a fool's provocation is heavier than both. Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.
4 Wrath is cruel and anger is overwhelming, but who can stand before jealousy? Hasha dzine utsinye uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?
5 Open rebuke is better than love that stays hidden. Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.
6 A friend's wounds are faithful, but an enemy's kisses are deceitful. Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.
7 A well-fed person tramples honeycomb, but to the hungry even what is bitter tastes sweet. Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.
8 A man who strays from his home is like a bird that strays from its nest. Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.
9 Oil and incense gladden the heart, and the sweetness of a friend comes from heartfelt counsel. Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.
10 Do not forsake your friend or your father's friend, and do not go to your brother's house when disaster strikes; better a neighbor nearby than a brother far off. Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.
11 Be wise, my son, and make my heart glad, so that I can answer anyone who taunts me. Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.
12 The prudent sees danger and takes cover, but the simple keep going and pay the price. Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.
13 Take the garment of one who puts up security for a stranger; hold it as collateral when he does so for a foreign woman. Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.
14 Whoever blesses his neighbor with a loud voice early in the morning, it will be taken as a curse. Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.
15 A quarrelsome wife is like a constant dripping on a rainy day. Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;
16 Restraining her is like restraining the wind, or grasping oil with the right hand. kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.
17 Iron sharpens iron, and one person sharpens another. Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.
18 Whoever tends a fig tree will eat its fruit, and whoever guards his master will be honored. Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.
19 As water reflects the face, so the heart reflects the person. Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.
20 The grave and Destruction are never satisfied, and a person's eyes are never satisfied. Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.
21 The crucible is for silver and the furnace for gold, and a person is tested by the praise he receives. Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.
22 Though you grind a fool in a mortar with a pestle, along with the grain, his foolishness will not leave him. Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.
23 Know well the condition of your flocks, and give careful attention to your herds. Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;
24 For riches do not last forever, nor does a crown endure to every generation. nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kuzvizvarwa zvose.
25 When the grass is gone and the new growth appears and the mountain herbs are gathered, Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,
26 the lambs will provide your clothing, and the goats will provide the price of a field; makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.
27 and there will be enough goats' milk for your food, for the food of your household and to sustain your servant girls. Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]