Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 A good name is to be chosen rather than great riches, and favor is better than silver or gold. Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.
2 The rich and the poor meet together; our Father is the Maker of them all. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.
3 The prudent sees danger and takes cover, but the simple keep going and pay the price. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.
4 The reward for humility and the fear of our Father is riches and honor and life. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.
5 Thorns and snares lie in the path of the crooked; whoever guards his soul stays far from them. Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.
6 Train up a child in the way he should go, and even when he is old he will not depart from it. Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
7 The rich rules over the poor, and the borrower is slave to the lender. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.
8 Whoever sows injustice will reap calamity, and the rod of his fury will fail. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.
9 Whoever has a generous eye will be blessed, for he shares his bread with the poor. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
10 Drive out the scoffer, and strife goes with him; quarreling and abuse will cease. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.
11 Whoever loves a pure heart and speaks graciously will have the king as his friend. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.
12 The eyes of our Father keep watch over knowledge, but he overturns the words of the traitor. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.
13 The lazy person says, "There is a lion outside! I will be killed in the streets!" Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”
14 The mouth of forbidden women is a deep pit; whoever draws our Father's anger will fall into it. Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.
15 Foolishness is bound up in the heart of a child, but the rod of discipline drives it far away. Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.
16 Whoever oppresses the poor to enrich himself, or gives to the rich, will come only to poverty. Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.
17 Listen carefully to the words of the wise, and apply your heart to my knowledge, Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,
18 for it will be pleasant if you keep them within you, if all of them are ready on your lips. nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.
19 So that your trust may be in our Father, I have made them known to you today, even to you. Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.
20 Have I not written for you thirty sayings of counsel and knowledge, Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,
21 to teach you what is right and true, so that you may give a true answer to those who sent you? kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?
22 Do not rob the poor because he is poor, or crush the afflicted at the gate, Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,
23 for our Father will plead their cause and will rob of life those who rob them. nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba.
24 Do not befriend a man given to anger, and do not go with a hot-tempered man, Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,
25 or you will learn his ways and entangle yourself in a snare. kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.
26 Do not be one of those who give pledges, who put up security for debts. Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti;
27 If you have nothing to pay with, why should your bed be taken from under you? kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.
28 Do not move the ancient boundary stone that your fathers set up. Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako.
29 Do you see a man skillful in his work? He will stand before kings; he will not stand before ordinary men. Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]