Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When you sit down to dine with a ruler, consider carefully what is before you, Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
2 and put a knife to your throat if you are a person ruled by appetite. uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.
3 Do not crave his delicacies, for they are deceptive food. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
4 Do not wear yourself out to get rich; have the wisdom to restrain yourself. Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
5 The moment you look at wealth, it is gone, for it suddenly sprouts wings and flies off toward the heavens like an eagle. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.
6 Do not eat the bread of a stingy man, and do not crave his delicacies, Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
7 for he is the kind of man who keeps counting the cost. "Eat and drink!" he says to you, but his heart is not with you. nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
8 You will vomit up the little you have eaten and will have wasted your pleasant words. Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.
9 Do not speak in the hearing of a fool, for he will despise the wisdom of your words. Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
10 Do not move an ancient boundary stone or encroach on the fields of the fatherless, Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,
11 for their Redeemer is strong; our Father will take up their cause against you. nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.
12 Apply your heart to instruction and your ears to words of knowledge. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
13 Do not withhold discipline from a child; if you strike him with the rod, he will not die. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.
14 Strike him with the rod, and you will deliver his soul from the grave. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.
15 My son, if your heart is wise, my own heart will be glad as well. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;
16 My inmost being will rejoice when your lips speak what is right. mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.
17 Do not let your heart envy sinners, but continue in the fear of our Father all day long. Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
18 Surely there is a future, and your hope will not be cut off. Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.
19 Hear, my son, and be wise, and keep your heart on the right road. Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
20 Do not be among those who get drunk on wine or those who gorge themselves on meat, Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama,
21 for the drunkard and the glutton will come to poverty, and drowsiness will clothe them in rags. nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
22 Listen to your father, who gave you life, and do not despise your mother when she is old. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
23 Buy truth and do not sell it; buy wisdom, instruction, and understanding. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
24 The father of a righteous child will greatly rejoice; whoever fathers a wise son will delight in him. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
25 Let your father and mother be glad; let her who gave you birth rejoice. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
26 My son, give me your heart, and let your eyes delight in my ways. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
27 For a prostitute is a deep pit, and an adulterous woman is a narrow well. nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
28 She lies in wait like a robber and leads many men into faithlessness. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
29 Who has misery? Who has sorrow? Who has strife? Who has complaints? Who has wounds for no reason? Who has bleary eyes? Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
30 Those who linger long over wine, those who go to sample bowls of mixed wine. Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.
31 Do not gaze at wine while it is red, while it sparkles in the cup and goes down smoothly. Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
32 In the end it bites like a serpent and stings like a viper. Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi.
33 Your eyes will see strange things, and your heart will utter twisted things. Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.
34 You will be like one lying down in the heart of the sea, like one lying on the top of a ship's mast. Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.
35 "They struck me, but I felt no pain; they beat me, but I did not know it. When will I wake up? I will look for another drink." Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]