Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Do not envy evil men, and do not desire to be with them, Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;
2 for their hearts plot violence, and their lips speak of trouble. nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
3 By wisdom a house is built, and by understanding it is established; Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
4 and by knowledge its rooms are filled with all precious and pleasant riches. kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
5 A wise man is full of strength, and a man of knowledge increases his power, Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;
6 for by wise guidance you can wage your war, and victory comes through many counselors. nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
7 Wisdom is too high for a fool; at the gate, he has nothing to say. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
8 Whoever plans to do evil will be called a schemer. Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.
9 A fool's scheming is sin, and the scoffer is detestable to people. Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
10 If you falter in a time of trouble, your strength is small. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!
11 Rescue those being taken away to death, and hold back those stumbling toward the slaughter. Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
12 If you say, "Look, we did not know this," does not he who weighs the heart perceive it? Does not he who watches over your soul know it? And will he not repay each person according to his deeds? Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
13 My son, eat honey, for it is good, and the honeycomb's drippings are sweet to your taste. Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
14 Know that wisdom is just like this to your soul; if you find it, there is a future, and your hope will not be cut off. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.
15 Do not lie in wait, you wicked man, against the home of the righteous; do not destroy his resting place, Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;
16 for though the righteous falls seven times, he rises again, but the wicked stumble in disaster. nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
17 Do not rejoice when your enemy falls, and do not let your heart be glad when he stumbles, Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
18 lest our Father see it and be displeased, and turn his anger away from him. kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.
19 Do not fret because of evildoers, and do not envy the wicked, Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,
20 for the evil man has no future; the lamp of the wicked will be snuffed out. nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.
21 My son, fear our Father and the king, and do not join with those who rebel against them, Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,
22 for their disaster will rise suddenly, and who knows the ruin that both of them can bring? nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?
23 These also are sayings of the wise: Showing partiality in judgment is not good. Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:
24 Whoever says to the guilty, "You are innocent," peoples will curse him and nations will denounce him, Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.
25 but it will go well for those who convict the guilty, and a rich blessing will come upon them. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.
26 An honest answer is like a kiss on the lips. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.
27 Prepare your work outside, get your fields ready, and after that build your house. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.
28 Do not be a witness against your neighbor without cause; would you deceive with your lips? Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
29 Do not say, "I will do to him as he did to me; I will pay the man back for what he has done." Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”
30 I passed by the field of a lazy man, by the vineyard of someone lacking sense, Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;
31 and there it was, all overgrown with thorns; the ground was covered with weeds, and its stone wall was broken down. minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32 Then I looked and took it to heart; I saw and received instruction. Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.
33 A little sleep, a little slumber, a little folding of the hands to rest, Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore,
34 and poverty will come upon you like a robber, and scarcity like an armed man. ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]