Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 These also are proverbs of Solomon, which the men of Hezekiah king of Judah copied out. Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:
2 It is the glory of our Father to conceal a matter, but the glory of kings to search a matter out. Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.
3 As the heavens are high and the earth is deep, so the heart of kings is unsearchable. Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.
4 Take away the dross from the silver, and a vessel comes forth for the refiner. Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;
5 Take away the wicked from before the king, and his throne will be established in righteousness. bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.
6 Do not put yourself forward in the king's presence, and do not stand in the place of the great; Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;
7 for it is better to be told, "Come up here," than to be put in a lower place in front of a noble you can see. Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.
8 Do not rush into a quarrel, for what will you do in the end when your neighbor puts you to shame? Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa?
9 Argue your case with your neighbor himself, but do not disclose another's secret, Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu,
10 lest the one who hears it shame you, and your bad reputation never goes away. kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.
11 A word spoken at the right moment is like apples of gold in settings of silver. Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.
12 Like a ring of gold or an ornament of fine gold is wise correction to a listening ear. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.
13 Like the cold of snow in the time of harvest is a faithful messenger to those who send him; he refreshes the soul of his masters. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.
14 Like clouds and wind without rain is one who boasts of a gift never given. Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.
15 By patience a ruler is persuaded, and a soft tongue breaks bone. Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.
16 If you find honey, eat only enough, or you will have too much and vomit. Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.
17 Don't visit your neighbor's house too often, or he will grow weary of you and hate you. Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.
18 Like a club, a sword, and a sharp arrow is one who bears false witness against his neighbor. Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.
19 Like a bad tooth or a foot out of joint is trust in a faithless person in time of trouble. Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.
20 Like one who takes off a garment on a cold day, like vinegar poured on baking soda, is the one who sings songs to a heavy heart. Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa.
21 If your enemy is hungry, give him bread to eat, and if he is thirsty, give him water to drink; Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe.
22 for you will heap coals of fire on his head, and our Father will reward you. Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.
23 The north wind brings forth rain, and a secretive tongue, angry looks. Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.
24 It is better to live in a corner of the rooftop than in a shared house with a quarrelsome wife. Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.
25 Like cold water to a weary soul is good news from a distant land. Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.
26 Like a muddied spring or a polluted fountain is a righteous person who gives way before the wicked. Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.
27 It is not good to eat too much honey, nor to seek your own glory. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.
28 Like a city broken into and left without walls is a person who has no control over his own spirit. Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]