Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Micah 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Marshal your forces, daughter of troops! A siege has been laid against us. With a rod they strike the judge of Israel on the cheek. Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri netsvimbo padama.
2 But you, Bethlehem Ephrathah, though you are small among the clans of Judah, from you will come forth for me one who will be ruler over Israel, whose origins are from ancient times, from the days of eternity. “Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.”
3 Therefore he will give them up until the time when the woman in labor has given birth; then the rest of his brothers will return to the people of Israel. Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.
4 And he will stand and shepherd his flock in the strength of our Father, in the majesty of the name of his Father. And they will live in safety, for now he will be great to the ends of the earth. Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
5 And he himself will be our peace. When Assyria comes into our land and treads on our fortresses, then we will raise against him seven shepherds and eight leaders of men. Uye iye achava rugare rwavo. MuAsiria paacharwisa nyika yedu agofamba achipfuura nomunhare dzedu, tichamumutsira vafudzi vanomwe kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.
6 They will shepherd the land of Assyria with the sword, and the land of Nimrod at its entrances. And the ruler will deliver us from Assyria when it comes into our land and treads within our borders. Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu.
7 Then the remnant of Jacob will be in the midst of many peoples like dew from our Father, like showers on the grass, which do not wait for anyone or delay for any person. Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu.
8 And Jacob's remnant will live among the nations, surrounded by many peoples—like a lion among the wild animals of the forest, like a young lion prowling among flocks of sheep, which, when it passes through, tramples and tears, and no one can rescue. Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika uye inobvambura ichienda, pasina anogona kununura.
9 Your hand will be lifted up over your adversaries, and all your enemies will be cut off. Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.
10 And in that day, declares our Father, I will cut off your horses from among you and destroy your chariots. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu.
11 I will cut off the cities of your land and tear down all your strongholds. Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.
12 I will cut off sorceries from your hand, and you will have no more fortune-tellers. Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki.
13 I will cut off your carved images and your sacred pillars from among you, and you will no longer bow down to the work of your hands. Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu.
14 I will uproot your Asherah poles from among you and demolish your cities. Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.
15 And in anger and fury I will bring judgment on the nations that did not obey. Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]