Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Micah 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hear what our Father says: Stand, plead your case before the mountains; let the hills hear your voice. Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.
2 Listen, mountains, to our Father's case, and you lasting foundations of the earth; for our Father has a case against his people, and he will contend with Israel. Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva.
3 My children, what have I done to you? How have I wearied you? Answer me! “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.
4 For I brought you up from the land of Egypt and redeemed you from the house of slavery; I sent before you Moses, Aaron, and Miriam. Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu.
5 My children, remember what Balak king of Moab planned, and what Balaam son of Beor answered him, from Shittim to Gilgal, so you will know the righteous acts of your Father. Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”
6 What should I bring when I come before our Father? How should I bow before our Father on high? Will I come to him with burnt offerings, with year-old calves? Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?
7 Will our Father be pleased with thousands of rams, with 10,000 rivers of oil? Will I give my firstborn for my rebellion, the child of my own body for the sin of my soul? Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?
8 He has told you what is good; and what does our Father require of you but to do justice, to love kindness, and to walk humbly with your Father? Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
9 The voice of our Father calls to the city—and it is sound wisdom to fear your name—"Listen, tribe, and the one who appointed it! Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma.
10 Are there still treasures of wickedness in the house of the wicked, and the accursed short measure? Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?
11 Will I declare innocent the one with dishonest scales, with a bag of deceitful weights? Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?
12 Your rich men are full of violence, your inhabitants speak lies, and their tongues are full of deceit. Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
13 So I myself have begun to strike you, making you desolate because of your sins. Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
14 You will eat but not be satisfied, and your hunger will stay within you; you will store up but not save, and what you save I will give over to the sword. Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.
15 You will sow but not reap; you will press olives but have no oil to use, and press the grapes but not drink the wine. Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.
16 For you have kept the statutes of Omri and all the works of the house of Ahab, and you have followed their ways; so I will make you a desolation and your inhabitants a mockery, and you will bear the scorn of my children." Makachengeta zvirevo zvaOmuri uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]