Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Micah 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 How miserable I am! I am like someone who gathers summer fruit, like one who gleans the vineyard after harvest: there is no cluster to eat, no early fig I long for. Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga.
2 The faithful have vanished from the land, and there is no one upright among the people; they all lie in wait for blood, each hunting his brother with a net. Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
3 Their hands are skilled at evil: the official demands a bribe, the judge accepts a payoff, and the powerful dictate what they want—and so they all conspire together. Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete.
4 The best of them is like a brier, the most upright worse than a thorn hedge. The day your watchmen warned of, the day of your reckoning, has come; now their confusion is near. Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo.
5 Put no trust in a neighbor; have no confidence in a close friend; guard what you say even to the one who lies in your arms. Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako.
6 For the son treats the father with contempt, the daughter rises against her mother, the daughter-in-law against her mother-in-law; a person's enemies are the members of his own household. Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake.
7 But as for me, I will watch for our Father; I will wait for the Father who saves me; my Father will hear me. Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa.
8 Do not gloat over me, my enemy! Though I have fallen, I will rise; though I sit in darkness, our Father will be my light. Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu! Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
9 I will bear the indignation of our Father, because I have sinned against him, until he takes up my case and brings me justice. He will bring me out into the light, and I will see his vindication. Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu uye asimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
10 Then my enemy will see it and be covered with shame, she who said to me, "Where is the LORD your God?" My eyes will look on her; now she will be trampled down like mud in the streets. Ipapo muvengi wangu achazviona uye achafukidzwa, iye akati kwandiri, “Aripiko Jehovha Mwari wako?” Meso angu achaona kuwa kwake; kunyange iye zvino achatsikwa pasi petsoka sematope mumigwagwa.
11 The day for rebuilding your walls will come, the day your boundaries will be extended far and wide. Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu.
12 In that day they will come to you from Assyria and the cities of Egypt, from Egypt to the River, from sea to sea and mountain to mountain. Pazuva iro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti, kunyange kubva kuIjipiti kusvikira kuYufuratesi, uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa, nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo.
13 But the earth will become desolate because of those who live in it, as the fruit of their deeds. Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo, nokuda kwamabasa avo.
14 Shepherd your people with your staff, the flock of your inheritance, who live alone in a forest in the midst of fertile pasture. Let them graze in Bashan and Gilead as they did long ago. Fudza vanhu vako nomudonzvo wako, boka renhaka yako, rinogara roga musango, mumafuro akanaka. Rega afure muBhashani reGireadhi samazuva ekare.
15 As in the days when you came out of the land of Egypt, I will show them wonders. “Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti, ndichavaratidza zvishamiso zvangu.”
16 The nations will see and be ashamed of all their might; they will put their hands over their mouths, and their ears will go deaf. Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa, dzisisina simba radzo rose. Vachabata miromo yavo uye nzeve dzavo dzichadzivira.
17 They will lick the dust like a serpent, like creatures that crawl on the ground. They will come trembling from their strongholds; they will turn to our Father in dread, and they will be afraid of you. Vachananzva guruva senyoka, sezvipuka zvinokambaira pasi. Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda; vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu, uye vachakutyai.
18 Who is like our Father, who pardons sin and passes over the rebellion of the remnant of his inheritance? He does not hold on to his anger forever, because his heart delights in covenant love. Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
19 He will again have compassion on us; he will tread our wrongdoing underfoot. You will hurl all our sins into the depths of the sea. Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.
20 You will be faithful to Jacob and show covenant love to Abraham, as you swore to our ancestors long ago. Muchava makatendeka kuna Jakobho, mucharatidza nyasha kuna Abhurahama, sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu mumazuva akare.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]