Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Micah 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the last days the mountain where our Father's house stands will be firmly established as the highest of the mountains, lifted high above the hills, and peoples will stream to it. Mumazuva okupedzisira gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa segomo guru pakati pamakomo; richasimudzwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi achaenda kwariri.
2 Many nations will come and say, "Come, let us go up to the mountain of our Father, to the house of the God of Jacob, that he may teach us his ways and we may walk in his paths." For instruction will go out from Zion, and the word of our Father from Jerusalem. Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai, handei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho. Achatidzidzisa nzira dzake, kuti tigofamba munzira dzake.” Murayiro uchabuda kubva paZioni, shoko raJehovha kubva paJerusarema.
3 He will judge between many peoples and settle disputes for strong nations far away. They will beat their swords into plowshares and their spears into pruning hooks; nation will not lift up sword against nation, nor will they train for war anymore. Achatonga pakati pamarudzi mazhinji uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure. Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza, namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzirizve kurwa.
4 Each will sit under his own vine and under his own fig tree, and no one will make them afraid, for the Father of heaven's armies himself has spoken. Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozovaita kuti vatye, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura.
5 For all the peoples walk in the name of their own god, but we will walk in the name of our Father forever and ever. Ndudzi dzose dzingafamba muzita ravamwari vadzo; isu tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.
6 In that day, declares our Father, I will gather the lame and bring together the outcast, those whom I have afflicted. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Ndichaunganidza vakaremara; ndichaunganidza vakadzingwa neavo vandakatambudza.
7 I will make the lame into a remnant, and those driven far away into a strong nation, and our Father will reign over them on Mount Zion from now on and forever. Ndicharemadza vakasara, vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba. Jehovha achavatonga paGomo reZioni kubva pazuva iroro nokusingaperi.
8 And you, tower of the flock, hill of the daughter of Zion, to you it will come—the former dominion will return, the kingdom of the daughter of Jerusalem. Kana uri iwe, chirindo cheboka iwe nhare yoMwanasikana weZioni, ushe hwakare huchadzoswa kwauri; umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.”
9 Now why do you cry aloud? Is there no king among you? Has your counselor perished, that pain has seized you like a woman in labor? Sei muchiridza mhere iye zvino, hamuna mambo here? Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza kwakubatai sekwomukadzi anosununguka?
10 Writhe and groan, daughter of Zion, like a woman in labor, for now you will go out from the city and live in the open field; you will go to Babylon. There you will be rescued; there our Father will redeem you from the hand of your enemies. Tambura ugomere, iwe Mwanasikana weZioni, somukadzi ari pakusununguka, nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango. Uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchandonunurwa. Ikoko Jehovha achakudzikinura kubva paruoko rwavavengi vako.
11 Now many nations are gathered against you, saying, "Let her be defiled, and let our eyes gloat over Zion." Asi zvino ndudzi zhinji dzakaunganira kuzokurwisa. Vanoti, “Ngaasvibiswe, maziso edu ngaatarise Zioni!”
12 But they do not know the thoughts of our Father; they do not understand his plan, that he has gathered them like sheaves to the threshing floor. Asi havazivi pfungwa dzaJehovha; havanzwisisi kuronga kwake, iye anovaunganidza sezvisote paburiro.
13 Arise and thresh, daughter of Zion, for I will make your horn iron and your hooves bronze; you will crush many peoples, and you will devote their gain to our Father, their wealth to the Sovereign of all the earth. “Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi; ndichakupa mahwanda endarira uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.” Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo, upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]