Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Micah 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Woe to those who plot wickedness and work out evil upon their beds! At the morning light they carry it out, because they have the power to do it. Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita.
2 They covet fields and seize them, and houses, and carry them off. They oppress a man and his house, a person and his inheritance. Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake.
3 Therefore this is what our Father says: Look, against this family I am devising disaster, from which you cannot pull your necks free; you will not be able to hold your heads high, for it is an evil time. Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko.
4 In that day they will take up a taunt against you and wail with bitter lamentation, saying, "We are utterly ruined! He trades away the portion of my people; how he strips it from me! To the traitor he parcels out our fields." Pazuva iro vanhu vachakutukai; vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema: ‘Taitwa dongo chose; pfuma yavanhu vangu yagovaniswa. Anonditorera! Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’ ”
5 Therefore you will have no one to cast the measuring line by lot in the assembly of our Father. Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha, kuti agove nyika nemijenya.
6 "Do not preach!" they preach. "No one should preach such things; disgrace will not overtake us." Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita, musaprofita pamusoro pezvinhu izvi; kunyadziswa hakungatibati.”
7 Should this be said, house of Jacob? Is the Spirit of our Father impatient? Are these his deeds? Do not my words bring good to the one who walks uprightly? Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti: “Ko, mweya waJehovha watsamwa here? Iye anoita zvinhu zvakadaro here?” “Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?
8 But lately my children have risen up as an enemy. You strip the rich robe from those who pass by unsuspecting, like men returning from war who wanted no fight. Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi. Munobvisa majasi anokosha pane avo vanopfuura musina kana hanya, savarume vodzoka kubva kuhondo.
9 You drive the women of my people out of their pleasant homes; from their little children you take away my splendor forever. Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi.
10 Get up and go, for this is no place of rest; because it is defiled, it brings destruction—a grievous destruction. Simukai, ibvai pano! Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera, nokuti yakasvibiswa, yakaparadzwa zvisingagadziriki.
11 If a man who lives by empty deceit were to lie, "I will preach to you of wine and alcohol," he would be just the preacher for this people! Kana munyepi nomunyengeri akauya oti, ‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’ iyeyu achava muprofita wavanhu ava!
12 I will surely gather all of you, Jacob; I will surely bring together the remnant of Israel. I will set them as one, like sheep in a pen, like a flock in the midst of their pasture—a place loud with people. “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
13 The one who breaks open the way goes up before them; they break through and pass the gate, going out through it. Their King goes on ahead of them, our Father at their head. Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]