Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Micah 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The word of our Father to Micah of Moresheth in the days of Jotham, Ahaz, and Hezekiah, kings of Judah—what he saw about Samaria and Jerusalem. Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.
2 Hear, all you peoples; listen, earth, and all that fills it—let the Sovereign Father be a witness against you, the Sovereign Father from his holy temple. Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene.
3 For look—our Father is coming out from his place; he will come down and tread on the high places of the earth. Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara: anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4 The mountains will melt beneath him, and the valleys will split apart, like wax before the fire, like waters poured down a steep slope. Makomo achanyongodeka pasi pake uye mipata ichapamuka, senamo pamoto, semvura inoyerera pamawere.
5 All this is because Jacob rebelled and the house of Israel sinned. What is Jacob's rebellion? Isn't it Samaria? And what is Judah's high place? Isn't it Jerusalem? Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Hakuzi Samaria here? Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko? Haizi Jerusarema here?
6 So I will make Samaria a heap of ruins in the open field, a place for planting vineyards. I will pour her stones down into the valley and lay bare her foundations. “Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe, nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.
7 All her carved images will be shattered, all her wages burned in the fire; all her idols I will lay waste. For from a prostitute's wages she gathered them, and to a prostitute's wages they will return. Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”
8 Because of this I will lament and wail; I will go stripped and naked. I will howl like jackals and moan like ostriches. Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza; ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka. Ndichaungudza segava uye ndichachema sezizi.
9 For her wound is incurable; it has come all the way to Judah. It has reached the gate of my people, all the way to Jerusalem. Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko.
10 Do not tell it in Gath; do not weep at all. In Beth-le-aphrah roll yourselves in the dust. Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva.
11 Pass on your way, you who live in Shaphir, in nakedness and shame. Those who live in Zaanan do not come out; the wailing of Beth-ezel leaves you with no place to stand. Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.
12 For those who live in Maroth wait anxiously for good, because disaster has come down from our Father to the gate of Jerusalem. Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha, kunyange pasuo reJerusarema.
13 Harness the horses to the chariot, you who live in Lachish. She was the beginning of sin to the daughter of Zion, for in you the rebellions of Israel were found. Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri.
14 Therefore you will give parting gifts to Moresheth-gath; the houses of Achzib will be a deception to the kings of Israel. Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana kuna Moresheti Gati. Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri kumadzimambo aIsraeri.
15 Once more I will bring a conqueror against you, you who live in Mareshah; the glory of Israel will come to Adullam. Ndichauyisa mukundi kwauri iwe unogara muMaresha. Iye anova kubwinya kwaIsraeri achauya kuAdhuramu.
16 Shave your head and cut off your hair for the children you love; make yourself as bald as the eagle, for they will go from you into exile. Veurai misoro yenyu mukuchema nokuda kwavana vamunofarira; zviitei musvuu sowegora, nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]