Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Jonah 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 But this upset Jonah deeply, and he burned with anger. Asi Jona haana kufadzwa nazvo uye akatsamwa.
2 He prayed to our Father, "Please, O Father, isn't this what I said while still in my own land? That's why I fled toward Tarshish first—I knew you are a gracious, compassionate Father, slow to anger, overflowing with covenant love, one who relents from sending disaster. Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa.
3 Now, our Father, please take my life from me—death is better for me than life." Zvino, imi Jehovha, torai zvenyu upenyu hwangu, nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”
4 And our Father said, "Is it right for you to be so angry?" Asi Jehovha akapindura akati, “Zvakanaka here kuti utsamwe?”
5 Jonah left the city and sat east of it, made himself a shelter there, and sat under it in the shade, waiting to see what would happen to the city. Jona akabuda akaenda akandogara pasi kunze kweguta nechokumabvazuva. Ikoko akazvivakira dumba, akagara mumumvuri waro ndokumirira kuti aone zvaizoitika kuguta.
6 And our Father appointed a plant and made it grow up over Jonah, to shade his head and ease his discomfort. So Jonah was overjoyed because of the plant. Ipapo Jehovha Mwari akameresa muti womuzambiringa, akauita kuti ukure kumusoro kwaJona kuti uite mumvuri pamusoro pake, kuti shungu dzake dzidzikire, uye Jona akafara kwazvo nokuda kwomuzambiringa.
7 At dawn the next day, our Father appointed a worm that attacked the plant, and it withered. Asi chifumi chezuva rakatevera Mwari akatuma gonye rikadya muzambiringa uyu zvokuti wakasvava.
8 When the sun rose, our Father sent a scorching east wind; the sun beat on Jonah's head until he grew faint. He begged to die: "Better for me to die than to live." Zuva rakati richibuda, Mwari akatuma mhepo yokumabvazuva yaipisa kwazvo, uye zuva rikabaya pamusoro paJona zvokuti akaziya. Akademba kufa, uye akati, “Zvingava nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”
9 But our Father asked Jonah, "Is it right for you to be angry about the plant?" He said, "It is right—angry enough to die." Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here kuti utsamwe nokuda kwomuzambiringa uyu?” Iye akati, “Hongu, ndakatsamwa zvokuti ndife.”
10 And our Father said, "You pitied the plant you did not work for or grow, which sprouted in a night and died in a night. Asi Jehovha akati, “Iwe wanga une hanya nomuzambiringa uyu, kunyange zvazvo usina kuuchengeta kana kuukudza. Wakabuda nousiku humwe uye ukaparara nousiku humwe.
11 And should I not pity Nineveh, that great city, in which there are more than 120,000 people who cannot tell their right hand from their left, and many animals as well?" Asi Ninevhe rine vanhu vanopfuura zviuru zana namakumi maviri avanhu vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi ndorupi kana rworuboshwe ndorupi, uye nemombe zhinjiwo. Handingavi nehanya here neguta iro guru?”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]