Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

James 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My brothers and sisters, as believers in our glorious Lord Jesus Christ, do not show favoritism. Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.
2 Say a man wearing a gold ring and fine clothes enters your assembly, and a poor man in shabby clothes enters too. Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,
3 If you notice the well-dressed one and say, "Sit here, a good seat," but tell the poor man, "Stand over there," or "Sit on the floor by my feet," kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka muchiti, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”
4 haven't you played favorites among yourselves and become judges guided by evil motives? hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?
5 Listen, my beloved brothers and sisters: Hasn't our Father chosen the world's poor to be rich in faith, heirs of the kingdom promised to those who love him? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?
6 But you disrespected the poor. Don't the rich oppress you and drag you into court? Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?
7 Aren't they blaspheming the honorable name called over you? Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?
8 If you truly obey the royal law according to the Scripture, "Love your neighbor as yourself," you do well. Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.
9 But if you show favoritism, you are sinning, and the law convicts you as lawbreakers. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.
10 Whoever keeps the whole law but stumbles at one point is guilty of breaking it all. Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.
11 For our Father, who forbade adultery, also forbade murder. So if you avoid adultery yet commit murder, you're a lawbreaker. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.
12 Speak and act as people who will be judged by the law of freedom. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,
13 Judgment is merciless to one who showed no mercy; mercy triumphs over judgment. nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
14 What good is it, my brothers and sisters, if someone claims faith without works? Can that faith save him? Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?
15 Suppose a brother or sister is poorly clothed and lacking daily food, Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe,
16 and one of you tells them, "Go in peace, stay warm and fed," but gives nothing for their bodily needs—what good is that? uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?
17 In the same way, faith by itself, if it is not accompanied by works, is dead. Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
18 But someone will say, "You have faith, and I have works." Show me your faith without works, and I'll show you my faith from my works. Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
19 You believe that our Father is one; you do well. Even the demons believe that—and shudder. Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.
20 Do you want me to show you, you foolish person, that faith apart from works is useless? Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?
21 Was not Abraham our father justified by works when he offered his son Isaac on the altar? Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari?
22 You see that faith was working together with his works, and faith was completed by his works. Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita.
23 This fulfilled the Scripture: "Abraham believed our Father, and it was credited to him as righteousness"—he was called our Father's friend. Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.
24 You see that a person is justified by works and not by faith alone. Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
25 Likewise, wasn't Rahab the prostitute also justified by works, welcoming the messengers and sending them out a different way? Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here?
26 As the body without the spirit is dead, so also faith without works is dead. Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]