Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

James 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My brothers and sisters, not many of you should become teachers, since we teachers face stricter judgment. Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvikuru.
2 For we all stumble in many ways. Anyone who never stumbles in speech is a mature man, able to control his whole body too. Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.
3 If we put bits in horses' mouths to make them obey us, we guide their whole bodies too. Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo.
4 Consider ships too: though large and driven by strong winds, a tiny rudder steers them wherever the pilot wants. Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi.
5 So too the tongue is a small body part, yet boasts great things. See how small a fire sets ablaze a great forest! Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.
6 The tongue is a fire, a world of wickedness placed among our body's parts. It stains the whole body, sets the whole course of life ablaze, and is itself set ablaze by hell. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.
7 Every kind of beast, bird, reptile, and sea creature is tamed, and has been tamed, by humankind, Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira neezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu,
8 but no human being can tame the tongue. It is a restless evil, full of deadly poison. asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.
9 With it we bless our Father; with it we curse people made in the likeness of our Father. Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.
10 From the same mouth come blessing and cursing. My brothers and sisters, this should not be. Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.
11 Does a spring pour out both fresh and bitter water from the same opening? Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?
12 Brothers and sisters, can a fig tree bear olives, or a vine figs? Neither can a salt spring yield fresh water. Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.
13 Who is wise and understanding among you? Let him show his deeds through good conduct, in wisdom's humility. Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.
14 But if bitter envy and selfish ambition fill your heart, don't boast or lie against the truth. Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.
15 This is not the wisdom that comes down from above, but is earthly, unspiritual, demonic. “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.
16 For where there is jealousy and selfish ambition, there will be disorder and every vile practice. Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.
17 Wisdom from above: pure first, then peace-loving, gentle, reasonable, full of mercy and good fruit, unbiased, sincere. Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
18 And the harvest of righteousness is sown in peace by those who make peace. Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]