Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

James 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Where do wars and fights among you come from? Isn't it your cravings warring inside you? Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here?
2 You want and don't have—you kill. You crave and can't get it—you quarrel and fight. You don't have because you don't ask. Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.
3 You ask and do not receive, because you ask wrongly, to spend it on your own pleasures. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.
4 You adulterous people! Don't you know friendship with the world is hostility toward our Father? Whoever chooses to be its friend becomes an enemy of our Father. Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.
5 Or does Scripture speak for nothing, saying the spirit he placed in us longs jealously? Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?
6 But he gives more grace. That is why Scripture says, "Our Father opposes the proud but gives grace to the humble." Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
7 Submit yourselves, then, to our Father. Resist the devil, and he will flee from you. Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.
8 Come close to our Father, and he will come close to you. Cleanse your hands, sinners; purify your hearts, double-minded. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
9 Grieve, mourn, and weep. Turn your laughter to mourning and your joy to gloom. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.
10 Humble yourselves before our Father, and he will lift you up. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
11 Don't speak against each other, brothers and sisters. Whoever speaks against a brother, or judges him, speaks against the law and judges it. But if you judge the law, you're not keeping it—you're judging it. Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.
12 Only one gives the law and judges—able to save or destroy. Who are you to judge your neighbor? Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?
13 Come now, you who say, "Today or tomorrow we will go to this or that city, spend a year, trade, and profit." Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.”
14 You don't know what tomorrow brings. What is your life? For you're a mist, visible briefly, then gone. Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.
15 Instead you ought to say, "If our Father wills, we will live and do this or that." Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.”
16 As it is, you boast in your arrogance. All such boasting is evil. Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.
17 So whoever knows the good to do and fails to do it, sin is theirs. Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]