Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

James 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 James, a servant of our Father and the Lord Jesus Christ, to the twelve tribes scattered among the nations: greetings. Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai.
2 Consider it pure joy, my brothers and sisters, whenever you face trials of many kinds, Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,
3 because you know that the testing of your faith produces perseverance. nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
4 Let perseverance finish its work so that you may be mature and complete, lacking nothing. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.
5 If any of you lacks wisdom, ask our Father, who gives freely to all without criticizing, and it will be given you. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
6 Ask in faith, without doubting, for the doubter is like a sea wave, driven and tossed by the wind. Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.
7 That person should not expect to receive anything from our Father. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;
8 Such a person is double-minded and unstable in all their ways. munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
9 Let the believer in humble circumstances take pride in their high position, Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.
10 but let the rich boast in their low state, since they'll pass like a wildflower. Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango.
11 The sun rises with scorching heat and withers the grass. Its flower falls; its beauty vanishes. So the rich fade away amid their pursuits. Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
12 Blessed is the one who endures trial, because once tested they'll receive the crown of life our Father promised to those who love him. Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
13 When tempted, no one should say, "Our Father is tempting me." Evil can't tempt our Father, and he tempts no one. Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;
14 But each person is tempted, dragged away and lured by their own evil desire. asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.
15 Then desire conceives and gives birth to sin; sin, full-grown, gives birth to death. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
16 Don't be deceived, my dear brothers and sisters. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
17 Every good and perfect gift is from above, coming down from the Father of lights, who never changes or casts a shifting shadow. Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
18 By his choice, he gave us birth through the word of truth, so we'd be a kind of firstfruits of his creation. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
19 Know this, my dear brothers and sisters: everyone should be quick to listen, slow to speak, slow to anger, Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,
20 because human anger does not produce the righteousness of our Father. nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.
21 So strip off all moral filth and excess evil; humbly receive the word planted in you, able to save your souls. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.
22 Do not merely listen to the word, and so deceive yourselves. Do what it says. Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
23 Anyone who hears the word but doesn't act on it is like one who looks at his natural face in a mirror, Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni
24 and, after looking at himself, goes away and immediately forgets what he looks like. uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.
25 But whoever peers into the perfect law of freedom, continuing in it—not a forgetful hearer but a doer who acts—will be blessed in his doing. Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
26 If anyone thinks himself religious but doesn't control his tongue, he deceives his own heart—his religion is worthless. Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
27 Pure and spotless religion before our Father is this: caring for orphans and widows in their distress, and keeping oneself unstained from the world. Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]