Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Let love for one another as family continue. Rambai mune rudo pakati penyu sehama.
2 Don't forget hospitality to strangers; through it some have hosted angels unaware. Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.
3 Remember prisoners as though chained with them, and the mistreated, since you too are in the body. Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
4 Marriage should be honored among all, the marriage bed kept pure—our Father will judge the sexually immoral and adulterous. Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
5 Keep your life free from the love of money; be content with what you have, for our Father himself has said, "I will never leave you, never abandon you." Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.”
6 So we say with confidence: Our Father is my helper; I will not fear. What can anyone do to me? Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?”
7 Remember your leaders who spoke our Father's word to you. Consider the outcome of their way of life, and imitate their faith. Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu mugotevera kutenda kwavo.
8 Jesus Christ is the same yesterday and today and forever. Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.
9 Don't be swept away by strange, varied teachings. It's good for the heart to be strengthened by grace, not by foods—those who live by them gain nothing. Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.
10 We have an altar from which those who serve the tent have no right to eat. Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo.
11 For the bodies of animals whose blood the high priest brings into the sanctuary for sin are burned outside the camp. Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa.
12 So Jesus also suffered outside the gate to make the people holy through his own blood. Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.
13 Therefore let us go out to him outside the camp, bearing the shame he endured. Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.
14 For here we have no lasting city, but we are seeking the city that is to come. Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.
15 Through him, then, let us always offer our Father a sacrifice of praise—the fruit of lips confessing his name. Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.
16 Don't forget to do good and share what you have—such sacrifices please our Father. Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.
17 Obey your leaders and submit to them—they watch over your souls, since they'll answer for you. Let them do this joyfully, not with groaning, for that profits you nothing. Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu.
18 Pray for us, since we're sure our conscience is clear, wanting to act honorably in everything. Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
19 I urge you even more to do this, so I may be restored to you sooner. Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri.
20 May our Father of peace, who raised our Lord Jesus—the great Shepherd of the sheep—from the dead by the blood of the eternal covenant, Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi,
21 complete you in every good thing to do his will, working in us what pleases him through Jesus Christ, to whom be glory forever and ever. Amen. ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
22 Brothers and sisters, I urge you to bear with this word of encouragement—I've written only briefly. Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku.
23 Know that our brother Timothy has been released; if he comes soon, I will see you with him. Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai.
24 Greet all your leaders and all the saints. Those from Italy send you greetings. Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai.
25 Grace be with you all. Amen. Nyasha ngadzive nemi mose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]