Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So, with so great a cloud of witnesses surrounding us, let's strip off every weight and the sin that clings so tightly, and run with endurance the race laid out before us. Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa.
2 Looking to Jesus, the founder and perfecter of our faith, who for the joy set before him endured the cross, despising its shame, and is seated at the right hand of our Father's throne. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
3 Weigh how he endured such hostility from sinners against himself, so you don't grow weary or lose heart. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.
4 In your struggle against sin you have not yet resisted to the point of shedding your blood. Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa.
5 Have you forgotten the encouragement addressing you as sons? "My son, don't dismiss our Father's discipline, or lose heart when he corrects you. Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye,
6 For our Father disciplines the one he loves, and chastises every son whom he receives." nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”
7 It is for discipline that you endure. Our Father is treating you as sons; for what son is there whom his father does not discipline? Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?
8 If you lack the discipline all children share, you're illegitimate, not sons. Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi.
9 Then too, we had physical fathers who disciplined us, and we respected them. Shouldn't we submit far more to the Father of spirits, and live? Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama!
10 They disciplined us briefly as they saw fit; he disciplines us for our good, so we may share his holiness. Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake.
11 For the moment all discipline seems painful rather than pleasant, but later it yields the peaceful fruit of righteousness to those who have been trained by it. Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.
12 Therefore lift your drooping hands and strengthen your weak knees, Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba.
13 and make straight paths for your feet, so the lame limb won't be dislocated but instead healed. “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuva akaremara, asi kuti aporeswe.
14 Pursue peace with everyone, and the holiness without which no one will see our Father. Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.
15 Watch that no one falls short of our Father's grace, that no root of bitterness grows up to cause trouble and make many unclean, Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.
16 that no one is sexually immoral or unholy like Esau, who sold his birthright for one meal. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete.
17 You know that afterward, wanting to inherit the blessing, he was rejected, for he found no opportunity to reverse the decision, though he sought the blessing with tears. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi.
18 For you have not come to what can be touched, and blazing fire, and darkness, and gloom, and storm, Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru;
19 and a trumpet blast, and a voice of words, whose hearers begged no more be said to them. kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko,
20 For they could not bear the command: "If even an animal touches the mountain, it must be stoned." nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.”
21 Indeed, so terrifying was the sight that Moses said, "I am trembling with fear." Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.”
22 But you have come to Mount Zion, city of the living Father, heavenly Jerusalem, and to countless angels in joyful assembly, Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro,
23 and to the assembly of the firstborn enrolled in heaven, and to our Father, judge of all, and to the spirits of the righteous made perfect, kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa,
24 and to Jesus, mediator of a new covenant, and to sprinkled blood speaking a better word than Abel's blood. kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri.
25 See that you don't refuse the One speaking. If those who refused the One warning them on earth didn't escape, how much less will we, if we turn from the One warning from heaven. Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga?
26 Then his voice shook the earth; now he has promised: "Yet once more I will shake not only the earth but also the heavens." Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.”
27 The phrase "Yet once more" signals removal of shaken things—that is, created things—so the unshaken may remain. Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo.
28 So, receiving an unshakable kingdom, let's hold on to thankfulness and offer our Father acceptable worship, with reverence and awe, Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,
29 for our Father is a consuming fire. nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]