Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now faith is the assurance of things hoped for, the conviction of things not seen. Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
2 For by it the people of old received their commendation. Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka.
3 By faith we understand our Father's word formed the universe, so what is seen came not from the visible. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi.
4 By faith Abel brought our Father a better offering than Cain's, through which he was proven righteous, our Father commending him by accepting his gifts. Though he died, through his faith he still speaks. Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
5 By faith Enoch was taken up, not seeing death, and was not found, because our Father had taken him. Before his taking, he was commended as pleasing to our Father. Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
6 Without faith it's impossible to please him: whoever approaches our Father must believe he exists and rewards those who sincerely seek him. Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
7 By faith Noah, warned about what wasn't yet visible, built an ark in reverence to save his household. By this he condemned the world and became heir of the righteousness that comes through faith. Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.
8 By faith Abraham obeyed the call to go to a place he'd receive as inheritance, leaving without knowing his destination. Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
9 By faith he settled in the land of promise as in a foreign land, living in tents with Isaac and Jacob, co-heirs of the same promise. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.
10 For he was watching for the city with foundations, whose designer and builder is our Father. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
11 By faith Sarah herself received power to conceive, though past age, since she trusted the one who promised was faithful. Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
12 So from one man—as good as dead—were born as many descendants as the stars of the sky, as countless as sand on the seashore. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
13 All these died in faith, without receiving what was promised—yet seeing it from afar and welcoming it, admitting they were foreigners and exiles on earth. Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
14 For those who say this show they are seeking a homeland of their own. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo.
15 If they had remembered the land they'd left, they'd have had a chance to return. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera.
16 But as it is, they desire a better country—a heavenly one. So our Father is not ashamed to be called their Father: he has prepared them a city. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
17 By faith Abraham, being tested, offered Isaac; he who had received the promises was offering his only son, Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga,
18 of whom it was said, "Through Isaac will your offspring be named." kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.”
19 He reasoned our Father could raise him even from the dead—and, figuratively, he got him back from there. Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa.
20 By faith Isaac called down future blessings on Jacob and Esau. Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika.
21 By faith Jacob, dying, blessed each of Joseph's sons and worshiped, leaning on the top of his staff. Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake.
22 By faith, dying, Joseph mentioned the exodus of Israel's sons and gave orders about his bones. Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake.
23 By faith Moses' parents hid him three months after his birth, seeing he was a beautiful child, unafraid of the king's edict. Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo.
24 By faith Moses, when he was grown up, refused to be called the son of Pharaoh's daughter, Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro.
25 choosing mistreatment with our Father's people over sin's fleeting pleasures. Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi.
26 He considered the disgrace of Christ greater wealth than Egypt's treasures, since he looked toward the reward. Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro.
27 By faith he left Egypt, not fearing the king's anger, enduring as if seeing our Father, who is invisible. Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi.
28 By faith he kept the Passover and blood-sprinkling, so the destroyer of the firstborn wouldn't touch them. Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri.
29 By faith they crossed the Red Sea as on dry land; the Egyptians, trying the same, were swallowed up. Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura.
30 By faith the walls of Jericho fell down after they had been encircled for seven days. Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe.
31 By faith Rahab the prostitute did not die with those who disobeyed, since she welcomed the spies in peace. Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
32 What more can I say? Time fails me to tell of Gideon, Barak, Samson, Jephthah, David and Samuel and the prophets, Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita,
33 who through faith conquered kingdoms, enforced justice, obtained promises, shut the mouths of lions, vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba,
34 put out fire's power, escaped the edge of the sword, grew strong from weakness, became mighty in war, and turned back foreign armies. vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi.
35 Women received their dead back by resurrection; others were tortured, refusing release, to gain a better resurrection. Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka.
36 Still others suffered mocking and flogging, and even chains and imprisonment. Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa vakaiswa mutorongo.
37 They were stoned, sawn in two, killed by the sword. They wandered in sheepskins and goatskins—destitute, tormented, mistreated. Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa,
38 The world wasn't worthy of them—they wandered deserts, mountains, caves, and holes in the ground. nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, mumapako nomumakomba enyika.
39 And all these, though they were commended for their faith, did not receive what was promised, Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa.
40 since our Father provided something better for us, so they would not be perfected without us. Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chiri nani pakunaka, kuitira kuti ivo pamwe chete nesu tigoitwa vakakwana.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]