Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The law is only a shadow of the good things to come, not the true form of those realities, and so, by the same sacrifices offered year after year without end, can never perfect those who draw near. Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
2 Otherwise, wouldn't they have stopped being offered, since worshipers, cleansed once, would no longer be conscious of sins? Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
3 But in these sacrifices there is a yearly reminder of sins. Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
4 For it is impossible for the blood of bulls and goats to take away sins. nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 Therefore, when Christ came into the world, he said: "Sacrifice and offering you did not desire, but a body you prepared for me; Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira;
6 "in burnt offerings and sin offerings you took no pleasure. zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo.
7 Then I said, 'Look, I have come—in the scroll of the book it is written of me—to do your will, my Father.'" Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8 Above he said, "Sacrifices, offerings, burnt offerings, and sin offerings you did not desire or delight in"—though the law requires them, Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).”
9 then he said, "Look, I have come to do your will." He removes the first to establish the second. Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.
10 By this will, we have been made holy through the offering of Jesus Christ's body, once for all. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.
11 Every priest stands daily, serving and repeatedly offering the same sacrifices that can never remove sins. Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
12 But he offered one sacrifice for sins forever, then sat down at the right hand of our Father, Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
13 waiting from that time until his enemies are made a footstool for his feet. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,
14 For by one offering he has perfected for all time those who are being made holy. nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
15 And the Holy Spirit also testifies to us; for after saying, Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:
16 "This is the covenant that I will make with them after those days, says our Father: I will put my laws on their hearts, and write them on their minds." “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
17 He then adds, "And their sins and their lawless deeds I will remember no more." Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.”
18 Now where these are forgiven, there is no longer any offering for sin. Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
19 So, brothers and sisters, since we have confidence to enter the holy places by Jesus' blood, Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,
20 a new, living way he opened for us through the curtain—his flesh, nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
21 and since we have a great priest over the house of our Father, uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,
22 let us draw near with a genuine heart, fully assured by faith, hearts sprinkled clean from a guilty conscience, and bodies washed with pure water. ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.
23 Let us hold tightly to the hope we declare, unshaken, for he who promised is faithful. Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
24 And let us consider how to spur one another on to love and good works, Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.
25 not giving up meeting together, as some habitually do, but encouraging each other—even more as you see the Day approaching. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
26 For if we go on sinning deliberately after receiving the knowledge of the truth, no sacrifice for sins remains, Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,
27 but only a terrible expectation of judgment and a raging fire that will consume the adversaries. asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.
28 Anyone who rejects Moses' law dies without mercy on two or three witnesses' testimony. Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.
29 How much worse punishment, do you think, does the one deserve who trampled the Son of our Father underfoot, treated as unholy the blood of the covenant that made him holy, and insulted the Spirit of grace? Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?
30 For we know the one who said, "Justice is mine; I will repay," and again, "Our Father will judge his people." Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”
31 It is a terrible thing to fall into the hands of the living Father. Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
32 Remember the earlier days, when after being enlightened you endured a hard struggle with suffering, Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.
33 at times publicly shamed by insults and suffering, at times standing with those treated that way. Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.
34 For you suffered with prisoners and joyfully accepted your possessions being seized, knowing you yourselves had a better, lasting possession. Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.
35 So do not throw away your confidence; it holds a great reward. Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
36 You need endurance, so that having done our Father's will, you may receive the promise. Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.
37 For yet "in a very little while, the coming one will come and will not delay; Nokuti kanguva kaduku duku kasara, “Iye anouya, achauya, asinganonoki.
38 but my righteous one will live by faith, and if he shrinks back, my soul takes no pleasure in him." Asi akarurama wangu achararama nokutenda. Uye kana akadzokera shure, handizofadzwi naye.”
39 But we don't belong to those who shrink back into destruction, but to those who have faith and preserve their souls. Asi isu hatisi ivo vokudzokera shure, vanoparadzwa, asi tiri vokutenda vanoponeswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]