Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Say to your brothers, "My People," and to your sisters, "Shown Mercy." “Uti kuvanunʼuna vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ”
2 Plead with your mother, plead—for she is not my wife, and I am not her husband—that she put away her whoring from her face and her unfaithfulness from between her breasts, “Tsiurai mai venyu, vatsiurei, nokuti havasi mukadzi wangu, uye handisi murume wavo. Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo nokusatendeka pakati pamazamu avo.
3 or I will strip her bare and leave her as naked as the day she was born; I will make her like a wilderness, turn her into a parched land, and let her die of thirst. Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose vagosara vakashama sezvavakanga vakaita musi wavakaberekwa. Ndichavaita segwenga ndigovashandura vave nyika yakaoma uye ndichavauraya nenyota.
4 I will show her children no compassion, for they are the children of whoring. Handizoratidzi vana vavo rudo, nokuti vana voufeve.
5 Their mother has prostituted herself; she who carried them acted in shame. She said, "I will chase after my lovers, who give me my bread and my water, my wool and my flax, my oil and my drink." Mai vavo vakanga vasina kutendeka uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa. Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’
6 Therefore I am about to block her path with thorns; I will wall her in so she cannot find her paths. Naizvozvo ndichasosera nzira yavo namasanzu eminzwa; ndichavapfigira mukati morusvingo zvokuti havangawani nzira yavo.
7 She will chase her lovers but not catch them; she will look for them but not find them. Then she will say, "I will go back to my first husband, for it was better for me then than now." Vachadzinganisa vadiwa vavo asi havangavabati; vachavatsvaka, asi havangavawani. Ipapo vachati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu sapakutanga nokuti ipapo ndaiva nani kupfuura pari zvino.’
8 She has not realized that it was I who gave her the grain, the new wine, and the oil, I who lavished silver and gold on her—which they spent on Baal. Havana kuzvibvuma kuti ndini ndaivapa zviyo, newaini itsva namafuta, ndini ndakavapa sirivha negoridhe rakawanda izvo zvavakashandira Bhaari nazvo.
9 Therefore I will take back my grain when it ripens and my new wine in its season; I will reclaim my wool and my flax, given to cover her nakedness. “Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva, newaini yangu itsva nenguva yayo. Ndichatora makushe angu nomucheka wangu zvaifanira kufukidza kushama kwavo.
10 Now I will expose her shame before the eyes of her lovers, and no one will rescue her from my hand. Saka zvino ndichabudisa pachena unzenza hwavo pamberi pavadiwa vavo; hapana achazovatora kubva mumaoko angu.
11 I will put an end to all her rejoicing—her festivals, her New Moons, her Sabbaths, all her appointed festivals. Ndichagumisa kupembera kwavo kwose: mitambo yavo yose yegore negore, nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata avo nemitambo yavo yose yakatarwa.
12 I will lay waste her vines and fig trees, of which she said, "These are my wages that my lovers gave me." I will turn them into a thicket, and the wild animals will devour them. Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo. Ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya.
13 I will hold her accountable for the days she burned offerings to the Baals, when she decked herself with rings and jewelry and chased after her lovers—but me she forgot, declares our Father. Ndichavaranga nokuda kwamazuva avakapisira zvinonhuhwira kuna Bhaari; vakazvishonga nemhete nezvishongo, vakatevera vadiwa vavo, asi ini vakandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 "Therefore, look, I am going to win her back: I will lead her into the wilderness and speak tenderly to her heart. “Naizvozvo zvino ndichazovakwezva; ndichavatungamirira kurenje ndigotaura zvinyoronyoro kwavari.
15 There I will give her back her vineyards and make the Valley of Achor a doorway of hope. There she will respond as in the days of her youth, as on the day she came up out of Egypt." Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.
16 On that day, declares our Father, you will call me "my husband," and no longer will you call me "my Baal." “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’
17 I will remove the names of the Baals from her mouth; never again will they be invoked by name. Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve.
18 On that day I will make a covenant for them with the wild animals, the birds of the sky, and the creatures that move along the ground; I will banish bow and sword and war from the land, so that all may lie down in safety. Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka.
19 I will betroth you to me forever; I will betroth you to me in righteousness and justice, in covenant love and compassion. Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi.
20 I will betroth you to me in faithfulness, and you will know your Father. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.
21 On that day I will respond, declares our Father—I will respond to the heavens, and they will respond to the earth; “Pazuva iro ndichadavira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichadavira kumatenga uye ivo vachadavira kunyika;
22 and the earth will respond to the grain, the new wine, and the oil, and they will respond to Jezreel. nenyika ichadavira kuzviyo, waini itsva namafuta, uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri.
23 I will plant her for myself in the land. I will show mercy to "No Mercy," and I will say to "Not My People," "You are my children"; and they will say, "You are my Father." Ndichamusima panyika nokuda kwangu; ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’ Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’ uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]