Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The word of our Father that came to Hosea son of Beeri, in the days of Judah's kings Uzziah, Jotham, Ahaz, and Hezekiah, and in the days of Israel's king Jeroboam son of Joash. Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri:
2 When our Father first spoke through Hosea, our Father said, "Go, take a wife of prostitution and have children of prostitution, for the land has completely abandoned me, turning to prostitution instead of following me." Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.”
3 He went and took Gomer daughter of Diblaim; she conceived and bore a son. Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana.
4 And our Father said to him, "Name him Jezreel, for soon I will punish the house of Jehu for the blood of Jezreel, and end the kingdom of the house of Israel. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri.
5 And on that day I will break the bow of Israel in the Valley of Jezreel." Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.”
6 She conceived again and bore a daughter. And our Father said to him, "Name her Lo-Ruhamah, for I will no longer show compassion to the house of Israel, nor forgive them at all. Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera.
7 But I will have mercy on the house of Judah and save them as their Father—I will not save them by bow, sword, or battle, by horses or horsemen." Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.”
8 When she had weaned Lo-Ruhamah, she became pregnant and gave birth to a son. Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana.
9 And our Father said, "Name him Lo-Ammi, for you are not my people, and I will not be your Father." Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu, uye ini handisi Mwari wenyu.
10 The children of Israel will be as countless as the sand of the sea, beyond measure or count. Where they were told, "You are not my people," they will be told, "Children of the living Father." “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’
11 Judah's children and the children of Israel will gather together, appoint one head, and go up from the land, for great will be the day of Jezreel. Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]