Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At that time Michael, the great prince guarding your people's children, will arise. There will be distress unmatched since nations began, until then. At that time your people—all listed in the book—will be rescued. “Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa.
2 Many sleeping in earth's dust will wake—some to everlasting life, some to shame and everlasting contempt. Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
3 The wise will shine like the sky's brightness; those who turn many to righteousness, like stars, forever and ever. Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
4 But you, Daniel, close these words and seal the book until the end time. Many will roam back and forth, and knowledge will grow. Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.”
5 Then I, Daniel, looked and saw two others standing, one on each bank of the river. Ipapo ini, Dhanieri, ndakatarisa uye hapo pamberi pangu pakanga pamire vamwe vaviri, mumwe kumhenderekedzo.
6 One asked the linen-clad man above the river's waters, "How long till these wonders end?" Mumwe wavo akati kumurume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, “Kusvikira riniko zvinhu zvinoshamisa izvi zvisati zvazadziswa?”
7 I heard the man dressed in linen, above the river's waters, lift his right hand and left toward heaven and swear by the One who lives forever: for a time, times, and half a time; when the shattering of the holy people's power is finished, all these things will be finished. Murume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.”
8 I heard, but didn't understand, so I said, "My lord, what is the end of these things?" Ndakanzwa, asi handina kunzwisisa. Saka ndakabvunza ndikati, “Ishe wangu, zvinhu zvose izvi zvichaguma seiko?”
9 He said, "Go, Daniel, for the words are shut and sealed until the time of the end. Akapindura akati, “Chienda hako, Dhanieri, nokuti mashoko aya akavharwa nokunamwa kusvikira panguva yokupedzisira.
10 Many will be purified, whitened, refined; the wicked will keep doing evil. None of the wicked will understand, but the wise will understand. Vazhinji vachacheneswa, vasina gwapa, uye vachanatswa, asi vakaipa vacharamba vakaipa. Hakuna achanzwisisa.
11 From the daily sacrifice's removal and the setting up of the abomination that causes desolation: 1,290 days. “Kubva panguva ichadziviswa chibayiro chamazuva ose nokumiswa kwechinhu chinonyangadza chinouyisa kuparadzwa, pachava namazuva chiuru chine zana namakumi mapfumbamwe.
12 Blessed is the one who waits and reaches the 1,335 days. Akaropafadzwa uyo achamirira nokusvika kumagumo amazuva chiuru china mazana matatu namakumi matatu namashanu.
13 But you, go to the end. You will rest, then stand for your inheritance at the end of the days." “Asi kana uriwe, enda hako kusvikira kumagumo. Uchazorora, uye ipapo pamagumo amazuva, iwe uchasimuka kuti ugamuchire mugove wenhaka yako.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]