Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Daniel 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 And I, in the first year of Darius the Mede, stood up to support and strengthen him. Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire uye ndimudzivirire.
2 Now I'll tell you the truth: look, three more kings will rise in Persia, then a fourth far richer than all. Strengthened by his wealth, he will stir up everyone against Greece's kingdom. “Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achamuka muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akapfuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi.
3 Then a mighty king will arise, who will rule with great dominion and do as he pleases. Ipapo mambo ane simba achamuka, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda.
4 Once he rises, his kingdom will break apart and split toward the four winds of heaven—not to his descendants, nor with the power he held, for his kingdom will be uprooted and given to others besides them. Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga.
5 The king of the south will grow strong; one of his commanders will grow stronger than him and rule—his dominion will be vast. “Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru.
6 After some years they will ally: the daughter of the king of the south will come to the king of the north to make an agreement. But she won't keep her strength, nor will he or his arm stand. She will be handed over—with her escort, her father, and her supporter—in those times. Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira.
7 A shoot from her roots will rise in his place, attack the army, enter the north king's fortress, act against them, and prevail. “Mumwe anobva mumhuri yake achamuka kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda.
8 He will take their gods captive to Egypt, with their metal images and precious silver and gold vessels; for years he will stay away from the king of the north. Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore.
9 The king of the north will invade the king of the south's realm, then return home. Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake.
10 His sons will arm for war, gather a vast army that keeps coming, overflows, sweeps through, then renews war to his stronghold. Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake.
11 The southern king, enraged, will march out to fight the northern king, who musters a vast army; but the army is given into the southern king's hand. “Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa.
12 When the crowd is carried off, his heart grows proud; he strikes down tens of thousands, yet fails. Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda.
13 The king of the north will again raise a horde bigger than before, then after years come with a great army and vast supplies. Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana.
14 In those times many will rise against the king of the south; violent men of your people will lift themselves up to fulfill the vision, but fail. “Munguva idzodzo vazhinji vachamukira mambo weZasi. Varume vechisimba pakati pavanhu vokwako vachakumukira kuti chiratidzo chizadziswe, asi havangakundi.
15 The king of the north will come, raise a siege ramp, and take a fortified city; the south's forces will not stand, nor its elite troops—no strength remains to stand. Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira.
16 His invader does as he pleases; none can stand before him. He will stand in the splendid land, destruction in his hand. Mupambi achaita zvaanoda; hakuna achagona kumisidzana naye. Achazvisimbisa muNyika Yakaisvonaka uye achava nesimba rokuiparadza.
17 He will set out to enter with his kingdom's full strength, and make terms with him; he will give him a daughter of women to ruin it, but it will not stand or benefit him. Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira.
18 Then he'll turn to the coastlands and take many, but a commander will end his arrogance, turning it back on him. Ipapo acharinzira chiso chake kuzviwi agotora zvizhinji zvacho, asi mukuru wamauto achagumisa kuzvidza kwake uye agodzorera kuzvidzwa kwake kwaari amene.
19 Then he will turn his face toward the fortresses of his own land, stumble, fall, and be found no more. Shure kwaizvozvo, achadzokera akananga kunhare dzenyika yake asi achagumburwa ndokuwa, akasazoonekwazve.
20 In his place will rise one who sends a tax collector for the glory of the kingdom; within a few days he'll be broken—not in anger, not in battle. “Anomutevera achatumira muteresi kuti achengetedze mbiri youmambo. Zvisinei hazvo, shure kwamakore mashoma, iye achaparadzwa, zvisingaitwi mukutsamwa kana muhondo.
21 A despised man will rise in his place, denied royal honor. He'll come in a time of ease and seize the kingdom through flattery. “Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso.
22 Armies will be swept away before him and broken, and the prince of the covenant as well. Ipapo hondo huru ichakukurwa pamberi pake; zvose iye nomuchinda wesungano zvichaparadzwa.
23 Once allied with him, he will act dishonestly and grow strong with only a few people. Shure kwokuita chibvumirano naye, achaita zvinhu zvounyengeri, uye navanhu vashoma chete achatora chigaro chokutonga.
24 In a time of security, he will enter the province's richest regions and do what neither his fathers nor their fathers did—scattering plunder, spoil, and goods among them, devising schemes against fortresses, but only for a time. Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete.
25 He will rouse his strength and courage against the king of the south with a great army. The king of the south will fight with a very great, mighty army—but won't stand, for plots will be devised against him. “Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa.
26 Those who eat his food will break him; his army is swept away, and many fall slain. Vaya vanodya zvokudya zvamambo vachaedza kumuparadza; hondo yake ichakukurwa, uye vazhinji vachafa muhondo.
27 Both kings' hearts bent on evil will speak lies at one table, but it will fail—the end awaits its appointed time. Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa.
28 He returns to his land with great wealth, heart against the holy covenant; he acts, then returns to his land. Mambo woKumusoro achadzokera kunyika yokwake nepfuma zhinji, asi mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achairwisa agodzokera kunyika yokwake.
29 At the appointed time he will return and head south, but this time won't match the earlier or the latter. “Panguva yakatarwa acharwisa yeZasi zvakare, asi panguva ino zvichaitika zvichasiyana napakutanga.
30 For ships of Kittim will come against him; he loses heart, turns back, rages against the holy covenant, and acts. He returns and favors those who abandon the holy covenant. Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene.
31 His forces will rise, defile the sanctuary fortress, end the daily sacrifice, and set up the abomination that causes desolation. “Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa.
32 He will corrupt those who violate the covenant with flattery, but people who know their Father will stand firm and act. Nokubata kumeso achatsausa avo vakaputsa sungano asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachamudzivisa kwazvo.
33 The wise among the people will teach many, but will fall for a time by sword, flame, captivity, and plunder. “Vakachenjera vachadzidzisa vazhinji, kunyange kwechinguva vachazourayiwa nomunondo kana kupiswa kana kutapwa kana kupambwa.
34 When they fall, they will receive a little help, and many will join them with flattery. Pavachawa vachagamuchira rubatsiro rushoma shoma, uye vazhinji vasiri muchokwadi vachabatana navo.
35 Some of the wise will stumble, to be refined, purified, and cleansed until the end time, for it still awaits the set time. Vamwe vakachenjera vachagumburwa, kuitira kuti vagonatswa, nokucheneswa uye vave vasina gwapa kusvikira panguva yokupedzisira, nokuti zvichazongoitika panguva yakatarwa.
36 The king will do as he pleases, lifting and enlarging himself above every god, speaking shocking things against our Father. He will flourish until the wrath is spent, since what is decreed will happen. “Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira uye achazvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika.
37 He will disregard his fathers' gods, women's desired one, and every god—he will set himself above them all. Haazovi nehanya navamwari vamadzibaba ake kana nouyo anodikanwa navakadzi, uye haangavi nehanya namwari upi zvake, asi achazvikudza pamusoro pavo vose.
38 Instead he'll honor a god of fortresses, unknown to his fathers, with gold, silver, precious stones, and costly gifts. Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake.
39 With a foreign god he attacks the strongest fortresses. He greatly honors those who acknowledge him, gives them rule over many, and divides land for a price. Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo.
40 At the end time, the king of the south will engage him, and the king of the north will storm against him with chariots, horsemen, and many ships. He will invade the lands, overflow, and pass through. “Panguva yokupedzisira mambo weZasi acharwisana naye, uye mambo woKumusoro achamukirana naye nengoro neboka ravarwi nezvikepe zvizhinji. Acharwisa nyika zhinji agopfuura nomadziri samafashamu emvura.
41 He enters the beautiful land; many fall, but Edom, Moab, and Ammon's chief sons escape his hand. Acharwisawo Nyika Yakaisvonaka. Nyika zhinji dzichawa, asi Edhomu, Moabhu, navatungamiri veAmoni vachawira muruoko rwake.
42 He will stretch out his hand against the lands, and the land of Egypt will not escape. Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapunyuki.
43 He will rule gold and silver treasures, and all Egypt's riches, with Libyans and Cushites at his heels. Achava nesimba pamusoro pepfuma yegoridhe nesirivha uye pfuma yose yeIjipiti, uye vaRibhiya navaNubhia vachazviisa pasi pake.
44 But news from the east and north will terrify him, and he'll set out in great rage to destroy and annihilate many. Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundutsa, ipapo achabuda nehasha zhinji kundoparadza nokupedza vazhinji.
45 He will pitch his palace tents between the seas and the beautiful holy mountain, then come to his end with no helper. Achadzika matende ake oushe pakati pamakungwa pagomo dzvene rakaisvonaka. Asi achasvika kumagumo ake, uye hakuna achamubatsira.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]