Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This Melchizedek, king of Salem, priest of the Most High, our Father, met Abraham returning from defeating the kings and blessed him. Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza,
2 Abraham gave him a tenth of everything. His name means, first, king of righteousness, then also king of Salem—meaning king of peace. uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.”
3 Without father, without mother, without genealogy, no beginning of days or end of life, but like the Son of our Father, he remains a priest forever. Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi.
4 Consider how great this man was: Abraham the patriarch gave him a tenth of the plunder. Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba!
5 Those descendants of Levi who become priests are commanded by the law to collect the tenth from the people—their own brothers—though they too descend from Abraham. Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.
6 But he, though not descended from them, took a tenth from Abraham and blessed the one who held the promises. Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa.
7 It is beyond all dispute that the lesser is blessed by the greater. Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa neakamupfuura paukuru.
8 In one case, tithes are received by mortal men; in the other, by one testified to be alive. Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu.
9 One might even say Levi, who receives the tenth, paid it through Abraham, Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama,
10 for he was still in his ancestor's body when Melchizedek met Abraham. nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.
11 If the Levitical priesthood brought perfection—the people received the law under it—why was another priest needed, one in Melchizedek's order, not called after Aaron's order? Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye ari worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?
12 For when the priesthood changes, the law must change as well. Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.
13 For he of whom these things are said belonged to another tribe, from which no one has ever served at the altar. Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndeworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.
14 Clearly our Lord descended from Judah; Moses said nothing about priests from that tribe. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kumbotaura zvavaprista.
15 And this becomes even more evident when another priest arises in the likeness of Melchizedek, Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,
16 who has become a priest not by a law of physical descent but by the power of an indestructible life. uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.
17 For it is testified about him, "You are a priest forever, in the order of Melchizedek." Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.”
18 On the one hand, a former commandment is set aside because of its weakness and uselessness. Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo
19 The law perfected nothing; but a better hope is introduced, through which we draw near to our Father. (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.
20 This was not without an oath, for the others became priests without an oath, Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,
21 but he became a priest with an oath, by the one who said to him: "Our Father has sworn and will not change his mind, 'You are a priest forever.'" asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”
22 To that same degree, Jesus has become the guarantor of a better covenant. Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.
23 The former priests were many, because death prevented them from continuing in office, Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;
24 but he holds his priesthood permanently, because he continues forever. asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi.
25 So he can fully save those who come to our Father through him, since he always lives to plead their case. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.
26 Such a high priest suited us: holy, blameless, unstained, separated from sinners, raised above the heavens. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.
27 Unlike those high priests, he doesn't need to offer sacrifices daily—first for his own sins, then for the people's—since he did this once for all, offering himself. Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.
28 The law appoints weak men as high priests, but the oath's word, coming after the law, appoints the Son, made perfect forever. Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]