Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So let's leave basic teaching about Christ and move toward maturity, not laying again a foundation of repentance from dead works and faith toward our Father, Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,
2 of instruction about baptisms, the laying on of hands, the resurrection of the dead, and eternal judgment. dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, dzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi.
3 And this we will do, if our Father permits. Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.
4 For it is impossible for those once enlightened, who tasted the heavenly gift, shared in the Holy Spirit, Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
5 and have tasted the goodness of our Father's word and the powers of the age to come, vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya,
6 and, having fallen away, to renew them again to repentance, since they crucify the Son of our Father anew to their own harm, holding him up to contempt. kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
7 Land that drinks the rain often falling on it, and yields a useful crop for its farmers, receives a blessing from our Father. Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.
8 But if it produces thorns and thistles, it's worthless, close to a curse, and ends in burning. Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.
9 But about you, beloved, we're convinced of better things—things tied to salvation—even though we speak this way. Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso.
10 For our Father is not unjust—he won't forget your work and the love you've shown for his name, serving our Father's people, as you still do. Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.
11 We want each of you to show the same diligence for full assurance of hope until the end, Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.
12 so that you don't become lazy, but imitate those who inherit the promises through faith and patience. Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.
13 For when our Father promised Abraham, since he had no one greater to swear by, he swore by himself, Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,
14 saying, "I will surely bless you and surely multiply you." achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.”
15 And so Abraham, after waiting patiently, received the promise. Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa.
16 People swear by someone greater, and the oath settles every dispute. Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose.
17 Wanting to show the heirs of the promise even more clearly that his purpose never changes, our Father guaranteed it with an oath, Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.
18 so that, through two unchangeable things in which our Father cannot lie, we who fled for refuge might have strong encouragement to grasp the hope set before us. Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tichasimbiswa zvikuru.
19 This hope is an anchor for the soul, safe and firm, entering the inner place behind the curtain, Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,
20 where Jesus entered as forerunner on our behalf, becoming high priest forever in Melchizedek's order. makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]