Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Every high priest taken from among men is appointed for men in matters relating to our Father, to offer gifts and sacrifices for sins. Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.
2 He can deal gently with the ignorant and straying, since he himself also is subject to weakness. Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.
3 Because of this weakness, he must offer sacrifices for sins—for the people as much as for himself. Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.
4 No one takes this honor for himself, but only when called by our Father, as Aaron was. Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.
5 So also Christ did not glorify himself to become high priest, but the one who said to him: "You are my Son; today I have fathered you." Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.”
6 Just as he also says elsewhere, "You are a priest forever, after the order of Melchizedek." Uye akati, pane imwe nzvimbo, “Ndiwe muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.”
7 During his earthly life, Jesus offered prayers and pleas—with loud cries and tears—to the one able to save him from death, and was heard for his godly fear. Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.
8 Although he was a Son, he learned obedience from what he suffered. Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake
9 And having been made perfect, he became the source of eternal salvation to all who obey him, uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera
10 having been appointed by our Father as a high priest after the order of Melchizedek. uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.
11 We have much to say about this, hard to explain, since your hearing has grown dull. Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.
12 For though you should be teachers by now, you need someone to teach you the basics of our Father's word again. You've come to need milk, not solid food. Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.
13 Everyone living on milk lacks skill in the word of righteousness, since he's an infant. Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.
14 But solid food is for the mature, whose senses are trained by practice to distinguish good from evil. Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]