Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Since the promise to enter his rest still stands, let us be careful that none of you seems to have missed it. Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.
2 We too had good news preached to us, as they did. But the message heard didn't benefit them, since they didn't combine it with faith, as those who listened did. Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.
3 We who believed enter that rest, as he said: "In my wrath I swore, they will never enter my rest." Yet his works were finished since the foundation of the world. Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti, “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’ ” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
4 For somewhere he says of the seventh day: "And our Father rested on the seventh day from all his works." Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”
5 And again in the same passage he says, "They will never enter my rest." Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
6 Since it remains that some enter it, and those first given the good news failed to enter through their disobedience, Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.
7 so again he sets a day, "Today," speaking through David much later, as already said: "Today, if you hear his voice, do not harden your hearts." Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”
8 For if Joshua had given them rest, our Father would not have spoken later about another day. Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.
9 So then, there remains a Sabbath rest for the people of our Father. Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;
10 Whoever has entered our Father's rest has also rested from his works, as our Father did from his own. nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.
11 So let's strive to enter that rest, so no one falls by the same pattern of disobedience. Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.
12 For the word of our Father is alive and active, sharper than any two-edged sword, piercing to divide soul and spirit, joints and marrow, discerning the heart's thoughts and intentions. Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
13 No creature is hidden from his sight; all lies naked and exposed to the eyes of the one we must answer to. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
14 So since we have a great high priest who has passed through the heavens—Jesus, Son of our Father—let's hold firmly to the faith we profess. Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.
15 We have no high priest unable to sympathize with our weaknesses, but one tested in every way as we are, yet without sin. Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
16 Let us then approach the throne of grace boldly, so we may receive mercy and find grace to help us in time of need. Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]