Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So, holy brothers sharing a heavenly call, consider Jesus, the apostle and high priest we confess. Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.
2 He was faithful to the one who appointed him, as Moses also was in all our Father's house. Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari.
3 Jesus deserves far more glory than Moses, as a house's builder deserves more honor than the house itself. Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.
4 For every house is built by someone, but the builder of all things is our Father. Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.
5 Moses was faithful in all our Father's house, a servant testifying to what would be spoken later. Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.
6 But Christ, as son, is faithful over his house. And we are his house—if we hold firm the confidence and hope we boast in. Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
7 So, as the Holy Spirit says: "Today, if you hear his voice, Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
8 do not harden your hearts as you did in the rebellion, on the day of testing in the wilderness, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje,
9 where your ancestors put me to the test and saw my works for forty years. mandakaedzwa namadzibaba enyu uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.
10 That is why I was angry with that generation, and I said, 'Their hearts are always going astray, and they have not known my ways.' Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo, uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka, havana kuziva nzira dzangu.’
11 So I swore in my anger, 'They will never enter my rest.'" “Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati, “ ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”
12 Brothers, watch that none of you has an evil, unbelieving heart that deserts the living Father. Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.
13 But encourage each other daily, while it is called "today," so none of you becomes hardened by sin's deceit. Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.
14 For we have become sharers in Christ, if we truly keep our first confidence firm to the end. Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.
15 As it is said: "Today, if you hear his voice, do not harden your hearts as when you rebelled." Sezvazvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.”
16 Who heard and rebelled? Wasn't it all who left Egypt through Moses? Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?
17 With whom was he angry forty years? Was it not with those who sinned, whose bodies fell in the wilderness? Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?
18 Who did he swear would never enter his rest, except those who disobeyed? Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?
19 So we see they couldn't enter because of lack of faith. Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]