Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So we must pay closer attention to what we've heard, or we may drift away. Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka.
2 For if the word spoken through angels held firm, and every wrongdoing and disobedience got just payment, Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira,
3 how will we escape if we neglect so great a salvation? First announced by the Lord, it was confirmed to us by those who heard him, ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.
4 while our Father also testified with them through signs, wonders, various miracles, and distributions of the Holy Spirit, according to his will. Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.
5 For it was not to angels that our Father subjected the coming world we're speaking of. Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.
6 Someone has testified somewhere, "What is man, that you are mindful of him, or the son of man, that you care for him? Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti: “Ko, munhu chii zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
7 You made him for a little while lower than the angels; you crowned him with glory and honor, Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa
8 putting everything in subjection under his feet." Now in subjecting everything to him, our Father left nothing outside his control. At present, however, we do not yet see everything subjected to Christ. uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9 But we see Jesus, made lower than the angels for a little while, now crowned with glory and honor because he suffered death, so that by our Father's grace he might taste death for everyone. Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
10 It was fitting that our Father, for whom and through whom all things exist, should perfect the pioneer of their salvation through suffering, bringing many sons to glory. Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.
11 The one who makes holy and those made holy all come from one Father. That's why he isn't ashamed to call them brothers and sisters, Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.
12 saying, "I will proclaim your name to my brothers and sisters; I will sing your praise amid the assembly." Anoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”
13 And again, "I will trust in him." And again, "Here am I, and the children our Father gave me." Uyezve anoti, “Ndichavimba naye.” Uyezve anoti, “Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”
14 Since the children share flesh and blood, he too shared them, so that through death he might destroy the one holding the power of death—the devil, Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori
15 and free all those who, through fear of death, were enslaved their whole lives. uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.
16 For surely it is not angels he helps, but the descendants of Abraham. Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama.
17 So he had to become like his brothers and sisters in every way, to be a merciful and faithful high priest serving our Father, clearing away the people's sins. Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.
18 Since he himself suffered when tempted, he can help those being tempted. Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]