Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hebrews 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Long ago, in many times and many ways, our Heavenly Father spoke to our ancestors through the prophets. Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
2 But in these final days he spoke to us by his Son, whom he appointed heir of all things and through whom he made the universe. asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.
3 The Son is the brightness of our Father's glory, the exact image of his being, sustaining all things by his powerful word. After purifying sins, he sat down at the right hand of the Majesty on high. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
4 He became as much greater than angels as his inherited name is greater than theirs. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5 For to which of the angels did our Father ever say, "You are my Son; today I have become your Father"? Or again, "I will be his Father, and he will be my Son"? Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?”
6 And again, when he brings the firstborn into the world, he says, "Let all my angels worship him. Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7 Of the angels he says, "He makes his angels winds, and his servants flames of fire." Achitaura pamusoro pavatumwa anoti, “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
8 But about the Son he says, "Your throne, O God, is forever and ever, and the scepter of righteousness is the scepter of your kingdom. Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9 You have loved righteousness and hated wickedness; therefore our Father, your Father, has anointed you with the oil of gladness above your companions." Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
10 And, "In the beginning, Lord, you laid the foundations of the earth, and the heavens are the work of your hands. Anotizve, “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11 They will perish, but you remain; they will all wear out like a garment. Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo.
12 You will roll them up like a robe; like a garment they will be changed. But you are the same, and your years will never end." Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatozogumi.”
13 But to which of the angels did our Father ever say, "Sit at my right hand until I make your enemies a footstool for your feet"?" Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?”
14 Aren't all angels ministering spirits, sent to serve those about to inherit salvation? Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]