Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Philemon 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul, a prisoner of Christ Jesus, and Timothy our brother, to Philemon, our dear friend and co-worker, Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
2 and to our sister Apphia, our fellow soldier Archippus, and the church that meets in your house: kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
3 Grace and peace to you from our Father and the Lord Jesus Christ. Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 I always thank my Father as I remember you in my prayers, Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
5 because I hear of your love and faith in the Lord Jesus and for all his holy people. nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
6 I pray your shared faith becomes effective as you come to understand every good thing we have in Christ. Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
7 Your love has brought me great joy and comfort, brother, since you've refreshed the hearts of his holy people. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
8 Therefore, although in Christ I am bold enough to command you to do what is right, Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
9 instead, for love's sake I appeal—I, Paul, an old man, now also a prisoner of Christ Jesus. asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
10 I appeal to you for my child Onesimus, whose father I became while I was in chains. ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.
11 He was once useless to you, but now is useful to you and me. Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.
12 I am sending him back to you—and in doing so I am sending my very heart. Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.
13 I wanted to keep him with me, to serve me on your behalf while I'm in chains for the gospel. Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.
14 But I wanted to do nothing without your consent, so your good deed would not be forced, but voluntary. Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.
15 Perhaps this is why he was separated from you briefly, so you'd have him back forever. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi,
16 No longer as a slave, but more than a slave—a beloved brother, especially to me, but even more to you, both in the flesh and in the Lord. asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
17 So if you consider me a partner, welcome him as you would welcome me. Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.
18 If he wronged you at all, or owes anything, put it on my account. Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
19 I, Paul, write this with my own hand: I'll repay it—not to mention you owe me yourself as well. Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.
20 Yes, brother, do me this favor in the Lord—refresh my heart in Christ. Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.
21 Trusting you'll obey, I write to you, knowing you'll do even more than I ask. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
22 Also prepare a guest room for me—I hope through your prayers to be graciously given back to you. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
23 Epaphras, my fellow prisoner in Christ Jesus, sends you greetings, Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,
24 and so do Mark, Aristarchus, Demas, and Luke, my fellow workers. uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.
25 The grace of the Lord Jesus Christ be with your spirit. Amen. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]