Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Titus 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Remind them to submit to rulers and authorities, obey, and be ready for every good work, Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka,
2 to slander no one, avoid quarreling, be gentle, and show complete consideration to everyone. kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose.
3 We too were once foolish, disobedient, deceived, enslaved to various desires and pleasures, living in malice and envy, hated, hating one another. Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana.
4 But when the goodness and loving kindness of our Father, our Savior, appeared, Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu,
5 he saved us—not for righteous deeds we did, but by his mercy, through washing of new birth and renewal by the Holy Spirit, akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
6 whom he poured out on us richly through Jesus Christ our Savior, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
7 so that, justified by his grace, we might become heirs in the hope of eternal life. kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi.
8 This word is trustworthy: I want you to insist on these things, so that those who trust our Father take care to devote themselves to good works. These things are good and helpful to everyone. Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose.
9 But avoid foolish controversies, genealogies, disputes, and quarrels about the law, for they are useless and worthless. Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri.
10 Warn a divisive person once, then a second time; after that, have nothing more to do with him, Yambira munhu anotsausa kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye.
11 knowing that such a person is warped and sinful; he stands self-condemned. Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene.
12 When I send Artemas or Tychicus to you, do your best to come to me at Nicopolis, since I've decided to winter there. Pandichatuma Atema kana Tikikasi kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando.
13 Quickly send Zenas the lawyer and Apollos on their way; see they lack nothing. Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporosi parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu.
14 Let our people also learn to devote themselves to good works, meeting urgent needs, and not be unproductive. Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko.
15 All those with me greet you. Greet those who love us in faith. Grace be with all of you. Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]