Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Titus 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 But as for you, speak what is fitting for sound teaching. Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.
2 Older men are to be sober-minded, dignified, self-controlled, sound in faith, love, and patient endurance. Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira.
3 Older women likewise: deeply respectful in behavior, not slanderers, not enslaved to much wine, but teachers of what is good, Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.
4 so that they may train the young women to love their husbands and to love their children, Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,
5 self-controlled, pure, working at home, good, submissive to their own husbands, so our Father's word isn't insulted. kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.
6 Likewise urge the younger men to be self-controlled. Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.
7 In everything be an example of good works, with integrity and dignity in your teaching, Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa
8 healthy words beyond criticism, so any opponent is ashamed, with nothing bad to say about us. uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
9 Slaves must submit to their own masters in everything, pleasing them, not talking back, Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo,
10 not stealing, but showing complete, good faithfulness, so they adorn, in everything, the teaching of our Father, our Savior. uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
11 For the grace of our Father has appeared, bringing salvation to all people, Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.
12 teaching us to reject wickedness and worldly desires, and live self-controlled, upright, and godly lives in this present age, Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,
13 waiting for the blessed hope and glorious appearing of our great God and Savior, Jesus Christ, takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,
14 who gave himself for us to redeem us from all lawlessness and purify for himself a people of his own, eager for good works. akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.
15 Declare these things; encourage and rebuke with all authority. Let no one disregard you. Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]