Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "send men to scout the land of Canaan, which I'm giving Israel's people. Send one man per ancestral tribe, each a leader among them." “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”
3 So Moses sent them from the wilderness of Paran at our Father's command; all were leaders of Israel's people. Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri.
4 These were their names: from the tribe of Reuben, Shammua the son of Zaccur; Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;
5 from the tribe of Simeon, Shaphat the son of Hori; kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori;
6 from the tribe of Judah, Caleb the son of Jephunneh; kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune;
7 from the tribe of Issachar, Igal the son of Joseph; kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;
8 from the tribe of Ephraim, Hoshea the son of Nun; kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni;
9 from the tribe of Benjamin, Palti the son of Raphu; kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu;
10 from the tribe of Zebulun, Gaddiel the son of Sodi; kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi;
11 from the tribe of Joseph (that is, from the tribe of Manasseh), Gaddi the son of Susi; kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi;
12 from the tribe of Dan, Ammiel the son of Gemalli; kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari;
13 from the tribe of Asher, Sethur the son of Michael; kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri;
14 from the tribe of Naphtali, Nahbi the son of Vophsi; kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi;
15 from the tribe of Gad, Geuel the son of Machi. kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki.
16 These are the names of the men Moses sent to scout the land. Moses named Hoshea son of Nun, Joshua. Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshea mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua).
17 Moses sent them to scout the land of Canaan and said to them, "Go up this way into the Negev, go up into the hill country, Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwidzai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo.
18 and see what the land is like, and whether the people living there are strong or weak, few or many, Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji.
19 and whether the towns they live in are open camps or fortified, and whether the land is good or bad, Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa?
20 and whether the land is rich or poor, and whether it has trees or not. Be brave, and bring back fruit from the land." It was the season of the first ripe grapes. Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa).
21 So they went up and explored the land from the wilderness of Zin to Rehob, near Lebo-hamath. Naizvozvo vakakwidza vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati.
22 They went up through the Negev to Hebron, where Ahiman, Sheshai, and Talmai, Anak's descendants, lived. Hebron was built seven years before Zoan in Egypt. Vakakwidza vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti).
23 They reached the Valley of Eshcol and cut a branch with one cluster of grapes, carried on a pole between two men; they also brought pomegranates and figs. Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde.
24 That place was named Valley of Eshcol, since the Israelites cut a cluster of grapes there. Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri.
25 At the end of forty days they returned from exploring the land. Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika.
26 They came to Moses, Aaron, and the whole community of Israel in the wilderness of Paran, at Kadesh, reported back to them and the whole community, and showed them the land's fruit. Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika.
27 They told him, "We went to the land you sent us to. It truly flows with milk and honey; here is its fruit. Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo.
28 Yet the people in the land are strong, the cities fortified and very large—we even saw Anak's descendants there. Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko.
29 Amalekites live in the Negev. Hittites, Jebusites, and Amorites live in the hills. Canaanites live along the sea and beside the Jordan." VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye nomunzvimbo inotevedza Jorodhani.”
30 Caleb silenced the people before Moses and said, "Let's go up now and possess it—we can certainly overcome it." Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwidza tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.”
31 But the men who went up with him said, "We can't go up against the people, for they are stronger than we are." Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.”
32 So they gave Israel a bad report of the land they had explored, saying, "The land we crossed to explore devours its inhabitants, and everyone we saw there is of great size. Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.
33 There we saw the Nephilim—Anak's descendants come from the Nephilim. We seemed like grasshoppers to ourselves, and so we seemed to them." Takaona vaNefirimi (izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi) ikoko. Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]