Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then the whole congregation raised their voices and cried out, and the people wept that night. Usiku ihwohwo vanhu vose veungano vakasimudza manzwi avo vakachema zvikuru.
2 All the Israelites complained against Moses and Aaron; the whole community said to them, "If only we had died in the land of Egypt, or if only we had died in this wilderness! VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino!
3 Why is our Father bringing us to this land to fall by the sword? Our wives and children will be plunder. Wouldn't it be better to return to Egypt?" Ko, Jehovha ari kuuyireiko nesu kunyika ino zvoongotirega tichindourayiwa nomunondo? Vakadzi navana vedu vachatorwa senhapwa. Hazvaiva nani here kuti tidzokere kuIjipiti?”
4 And they said to one another, "Let us appoint a leader and return to Egypt." Zvino vakataurirana vachiti, “Tinofanira kusarudza mutungamiri tidzokere kuIjipiti.”
5 Then Moses and Aaron fell facedown before the whole assembly of Israel. Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavaIsraeri yakanga iri ipapo.
6 Joshua son of Nun and Caleb son of Jephunneh, among those who scouted the land, tore their clothes. Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo.
7 They told the whole Israelite community, "The land we passed through and explored is exceedingly good. Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo.
8 If our Father delights in us, he'll bring us into this land and give it to us, a land flowing with milk and honey. Kana Jehovha achifadzwa nesu, achatitungamirira kuti tipinde munyika iyoyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, agoipa kwatiri.
9 Only don't rebel against our Father, and don't fear the people of the land—they are food for us. Their protection is gone; our Father is with us. Don't fear them." Chete imi regai kumukira Jehovha. Uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti tichavamedza. Kudzivirirwa kwavo kwabviswa, asi Jehovha anesu. Musavatya.”
10 The whole community called for stoning Joshua and Caleb. Then our Father's glory appeared at the tent of meeting to all Israel's people. Asi ungano yose yakataura nezvokuti vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa paTende Rokusangana navaIsraeri vose.
11 And our Father said to Moses, "How long will this people despise me? And how long will they not believe in me, despite all the signs I've done among them? Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo?
12 I will strike them with the plague and disinherit them, then make you a nation greater and stronger than they." Ndichavarova nedenda ndigovaparadza, asi iwe ndichakuita rudzi rukuru kwazvo uye rwakasimba kukunda ivo.”
13 But Moses said to our Father, "The Egyptians will hear of it, for you brought this people up from among them by your might, Mozisi akati kuna Jehovha, “Ipapo vaIjipita vachanzwa pamusoro pazvo! Kuti makabudisa vanhu ava kubva pakati pavo nesimba renyu.
14 and they will tell the residents of this land, who have heard that you, our Father, are among this people, that you, our Father, are seen face to face, that your cloud stands over them, and you go before them in a pillar of cloud by day and a pillar of fire by night. Uye vachaudza vanhu vanogara munyika ino pamusoro pazvo. Vakatozvinzwa kare kuti imi, Jehovha, mugere navanhu ava uye kuti imi, Jehovha, makaonekwa chiso nechiso, uye kuti gore renyu rinogara pamusoro pavo, uye kuti munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yomoto usiku.
15 If you kill this people all at once, the nations who heard your fame will say, Kana mukauraya vanhu vose ava panguva imwe chete, ndudzi dzakanzwa mukurumbira uyu pamusoro penyu dzichati,
16 'Because God couldn't bring this people into the land he swore to them, he slaughtered them in the wilderness.' ‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avavimbisa nemhiko; saka akavauraya murenje.’
17 And now, please, let the power of the Sovereign Father be great, as you have spoken, saying, “Zvino simba raJehovha ngariratidzwe, sezvamakataura muchiti:
18 'Our Father is slow to anger, overflowing in covenant love, forgiving guilt and wrongdoing—yet he will by no means clear the guilty, bringing the fathers' sin on children to the third and fourth generation.' ‘Jehovha anononoka kutsamwa, azere norudo uye anoregerera zvivi nokumukira. Kunyange zvakadaro haangaregi kuranga ane mhosva, anoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.’
19 Please pardon this people's guilt according to the greatness of your covenant love, just as you've forgiven them from Egypt until now." Zvichienderana norudo rwenyu rukuru, regererai chivi chavanhu ava, sezvamakavaregerera kubva panguva yavakabva kuIjipiti kusvikira zvino.”
20 Then our Father said, "I have pardoned, according to your word. Jehovha akapindura akati, “Ndavaregerera sezvawakumbira iwe.
21 "But truly, as I live, and as all the earth will be filled with my glory, Asi hazvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, uye zvirokwazvo sokuzara kunoita nyika yose nokubwinya kwaJehovha,
22 surely all the men who saw my glory and the signs I did in Egypt and the wilderness, yet tested me ten times and did not listen to my voice, hakuna mumwe wavarume vakaona kubwinya kwangu nezvishamiso zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakasanditeerera, uye vakandiedza kanokwana kagumi,
23 shall not see the land I swore to their fathers. None who despised me will see it. hakuna mumwe wavo achazoona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaiona.
24 But my servant Caleb has a different spirit and has followed me fully—I will bring him into the land he entered, and his descendants will possess it. Asi nokuda kwokuti muranda wangu Karebhu ano mweya wakasiyana navamwe uye anonditevera nomwoyo wose, ndichamupinza munyika yaakaenda kwairi, uye ichava nhaka yezvizvarwa zvake.
25 The Amalekites and the Canaanites live in the valleys. Tomorrow, turn and head into the wilderness toward the Red Sea." Sezvo vaAmareki navaKenani vachigara mumipata, dzokai mangwana mufambe makananga kurenje muchitevedza nzira inoenda nokuGungwa Dzvuku.”
26 And our Father spoke to Moses and Aaron, saying, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
27 "How long will this evil congregation grumble against me? I have heard the Israelites' grumbling against me. “Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava.
28 Tell them, 'As I live, declares our Father, I will do to you exactly what I heard you say: Saka vaudze kuti, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakuitirai zvinhu zvacho zvandakanzwa muchireva muchiti:
29 'Your corpses will fall in this wilderness—all of you counted, your whole number, twenty years old and up, who grumbled against me. Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino, imi mose muna makore makumi maviri kana makumi maviri neanoraudza makaverengwa pakuverengwa uye mukandipopotera.
30 None of you will enter the land I swore to settle you in, except Caleb son of Jephunneh and Joshua son of Nun. Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.
31 But your little ones, whom you said would become plunder, I will bring in; they will know the land you rejected. Asi kana vari vana venyu vamakati vachatapwa, ndichavapinza kuti vafare munyika yamaramba imi.
32 But as for you, you will fall dead in this wilderness. Asi imi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.
33 Your children will be shepherds in the wilderness forty years, bearing your unfaithfulness, until the last of your corpses lies in the wilderness. Vana venyu vachava vafudzi muno kwamakore makumi mana, vachitambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu, kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chavata murenje rino.
34 As the days you scouted the land—forty days—a day for a year, you will carry your guilt forty years, and know my opposition to you. Kwamakore makumi mana, gore richimirira zuva rimwe nerimwe ramazuva makumi mana amakasora nyika, muchatambudzika nokuda kwezvivi zvenyu uye muchaziva kuti zvinoita sei kuti ini ndirwe nemi.’
35 I, your Father, have spoken: surely I will do this to this whole evil assembly gathered against me—they will end in this wilderness, and die there.'" Ini, Jehovha, ndazvitaura, uye zvirokwazvo ndichaita zvinhu izvi kuungano yose iyi yakaipa, yakabatana pamwe chete kuti indirwise. Vachaperera murenje muno; vachafira muno.”
36 The men Moses sent to scout the land returned, making the whole community grumble against Moses with a bad report about it. Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparadzira mashoko akaipa pamusoro payo:
37 The men who brought up a bad report of the land died by plague before our Father. varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha.
38 But Joshua son of Nun and Caleb son of Jephunneh survived, of those men who went to explore the land. Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama.
39 When Moses told these words to all the children of Israel, the people mourned greatly. Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru.
40 They got up early in the morning and went up to the hilltop, saying, "Here we are. We will go up to the place our Father promised, for we have sinned." Mangwana acho mangwanani, vakakwidza vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwidza tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.”
41 But Moses said, "Why now are you disobeying our Father's command? It won't succeed. Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri!
42 Do not go up, for our Father is not among you, or you'll be struck down before your enemies. Musakwidza kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu,
43 For the Amalekites and Canaanites are there before you; you'll fall by the sword. Since you've turned back from following our Father, he won't be with you." nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.”
44 But they dared to climb to the hill country's crest, though the ark of the covenant of our Father and Moses did not leave the camp. Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa.
45 Then the Amalekites and the Canaanites living in that hill country came down, struck them, and crushed them as far as Hormah. Ipapo vaAmareki navaKenani vaigara munyika yamakomo vakaburuka vakavarwisa vakavadzingirira kusvikira kuHoma.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]