Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 15 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Speak to the Israelites and tell them: When you enter the land I am giving you to live in, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare,
3 and offer me a fire offering—a burnt offering or sacrifice, to fulfill a special vow, as a freewill offering, or at your appointed feasts—producing a pleasing aroma for me from herd or flock, uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuhwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kana zvipiriso zvemitambo,
4 then whoever presents his offering must also present me a grain offering—about two quarts of fine flour mixed with about one quart of oil. ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta.
5 Prepare about a quart of wine for the drink offering with the burnt offering or sacrifice, for each lamb. Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.
6 "Or for a ram, you are to prepare a grain offering of about four quarts of fine flour mixed with about one and a third quarts of oil, “ ‘Munofanira kugadzira negondobwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta,
7 and one and a third quarts of wine for the drink offering—offer it as a pleasing aroma to me. uye nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuhwira chinofadza kuna Jehovha.
8 When you prepare a young bull as a burnt offering or sacrifice, to fulfill a special vow, or as a peace offering to me, “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana,
9 with the young bull, bring a grain offering of about six quarts of fine flour mixed with about two quarts of oil, munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehini yamafuta pamwe chete nehando.
10 bring two quarts of wine for the drink offering, a fire offering of pleasing aroma to me. Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira chinofadza Jehovha.
11 This is to be done for each bull, ram, lamb, or young goat. Hando imwe neimwe kana gondobwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi.
12 Do the same for each one, however many you prepare. Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.
13 "Every native-born Israelite must do this when offering a fire offering, a pleasing aroma, to me. “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
14 If a foreigner living with you, or anyone among you for generations to come, makes a fire offering of pleasing aroma to me, he must do as you do. Kuzvizvarwa zvinotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.
15 One statute for the assembly—you and the foreigner living among you—a lasting statute for all generations: as you are, so is the foreigner before me. Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa.
16 One law and one ordinance is to apply to you and to the foreigner who stays with you." Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”
17 And our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
18 "Speak to the Israelites and tell them: When you enter the land I am bringing you into, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai
19 then when you eat the produce of the land, you are to lift up a contribution to me. uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso.
20 From the first of your dough, lift up a loaf as a contribution, like the contribution from the threshing floor. Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.
21 From the first of your dough you are to give a contribution to me throughout your generations. Kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.
22 "And when you stray and fail to do all these commandments that I have spoken to Moses, “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,
23 all I commanded you through Moses, from the day I commanded it, and onward throughout your generations, zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera,
24 then if done unintentionally, unknown to the assembly, the whole assembly must offer one young bull as a burnt offering—a pleasing aroma to me—with its grain offering and drink offering as required, plus one male goat as a sin offering. uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, nenhongo yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.
25 The priest will make atonement for the whole Israelite community, and they will be forgiven, since it was unintentional and they brought their offering—a fire offering to me—and their sin offering before me for their unintentional wrong. Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi.
26 All the community of Israel will be forgiven, along with the foreigner living among them, since all the people did wrong unintentionally. Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.
27 "And if one person sins unintentionally, he is to offer a year-old female goat as a sin offering. “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi.
28 The priest will atone before me for the person who errs by sinning unintentionally, atoning for him, and he will be forgiven. Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.
29 For the native-born among the children of Israel and the foreigner staying among them, there is one law for the one who acts unintentionally. Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.
30 "But the one who acts with a high hand, native or foreigner, reviles me—that person is cut off from among his people. “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
31 Since he scorned my word and broke my command, that person will surely be cut off; his guilt remains on him." Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”
32 While the Israelites were in the wilderness, they found a man gathering wood on the Sabbath day. VaIsraeri vachiri murenje, mumwe murume akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.
33 Those who found him gathering wood brought him to Moses, Aaron, and the whole congregation. Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,
34 They held him in custody because it wasn't clear what should be done to him. uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvaifanira kuitwa kwaari.
35 So our Father told Moses, "The man must be put to death; the whole community must stone him outside the camp." Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Murume uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.”
36 The whole congregation brought him outside the camp and stoned him with stones; he died, as our Father commanded Moses. Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
37 And our Father said to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
38 "Speak to the Israelites: have them make tassels on the corners of their garments for all generations, with a blue cord on each corner's tassel. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe.
39 It will be a tassel to look at, so you remember all my commandments and do them, not chasing after your heart and after your eyes, which lead you to be unfaithful. Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu.
40 This way you will remember and do all my commandments, and you will be holy to me. Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.
41 I am your Father, who brought you out of Egypt's land to be your Father. I am your Father." Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]