Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Korah son of Izhar, son of Kohath, son of Levi, gathered men, along with Dathan and Abiram, sons of Eliab, and On son of Peleth, sons of Reuben. Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza
2 They stood before Moses with 250 Israelite leaders of the community—chosen assembly members, men of renown. uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota.
3 They gathered against Moses and Aaron and said, "You have gone too far! The whole congregation is holy, all of them, and our Father is among them. Why do you set yourselves above our Father's assembly?" Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?”
4 When Moses heard this, he fell facedown. Mozisi akati anzwa izvozvo, akawira pasi nechiso.
5 He said to Korah and all his company, "In the morning, our Father will show who is his and who is holy, and will bring that one near to himself. Whoever he chooses, he will bring near to himself. Ipapo akati kuna Kora navateveri vake vose, “Mangwanani Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndavapi uye kuti mutsvene ndiani, uye achaita kuti munhu uyo aswedere kwaari. Munhu waachasarudza ndiye waachaswededza kwaari.
6 Do this: take censers, Korah and all your company. Iwe Kora, navateveri vako vose munofanira kuita izvi: Torai hadyana dzezvinonhuhwira
7 Tomorrow put fire in them, lay incense on them before our Father. The man our Father chooses will be the holy one. You've gone too far, sons of Levi!" uye mangwana muise moto nezvinonhuhwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!”
8 Moses also said to Korah, "Listen now, you sons of Levi: Mozisi akatizve kuna Kora, “Chinzwai zvino, imi vaRevhi!
9 Is it not enough for you that the Father of Israel set you apart from the rest of Israel's congregation, to bring you near himself, to do the work of our Father's tabernacle, and stand before the congregation to serve them? Ko, hazvina kukwana kwamuri here kuti Mwari wavaIsraeri akakutsaurai pakati peungano yavaIsraeri vose akakuswededzai pedyo naye kuti muite basa patabhenakeri yaJehovha uye kuti mumire pamberi peungano mugovashandira?
10 He brought you near—you and all your brothers, sons of Levi—yet now you seek the priesthood too? Akakuswededzai imi nehama dzenyu ivo vaRevhi, asi zvino mava kuedza kubvuta upristawo.
11 You and your whole group have gathered against our Father. Aaron—what is he, that you grumble against him?" Uku kurwa naJehovha zvamadai kusungana pamwe chete iyemi navose vanokuteverai. Aroni ndianiko wamunopopotera?”
12 Moses sent for Dathan and Abiram, sons of Eliab. They said, "We will not come up! Ipapo Mozisi akadana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi. Asi ivo vakati, “Hatiuyiko!
13 Is it not enough you brought us up from a land flowing with milk and honey to kill us in the wilderness, that you must also rule over us? Hazvina kukwana here kuti makatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi kuti muzotiurayira murenje? Uye iye zvino munoda kubata ushe pamusoro pedu here?
14 Also, you haven't brought us to a land flowing with milk and honey, or given us fields and vineyards as an inheritance. Will you gouge out these men's eyes? We won't come up!" Pamusoro pezvo, hamuna kutisvitsa kunyika inoyerera mukaka nouchi kana kutipa nhaka yeminda neminda yemizambiringa. Muchada kutumbura meso avanhu ava here? Haiwa, isu hatiuyiko!”
15 Moses was furious and said to our Father, "Disregard their offering. I haven't taken a single donkey from them, nor wronged any of them." Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.”
16 Moses told Korah, "You and your whole company, present yourselves before our Father tomorrow—you, they, and Aaron. Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni.
17 Each man is to take his censer, put incense on it, and bring it before our Father—250 censers—you and Aaron, each with his own censer." Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuhwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.”
18 Each took his censer, put fire in it and laid incense on it, and stood with Moses and Aaron at the tent of meeting's entrance. Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuhwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana.
19 Korah gathered the whole congregation against them at the tent of meeting's entrance; the glory of our Father appeared to the whole congregation. Kora akati aunganidza vateveri vake vose vaipikisana navo pamukova wokupinda muTende Rokusangana, kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa neungano yose.
20 And our Father spoke to Moses and Aaron, saying, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
21 "Separate yourselves from this congregation, so that I may consume them in an instant." “Zvitsaurei imi paungano iyi kuitira kuti ndivaparadze izvozvi.”
22 Moses and Aaron fell facedown and cried, "O our Father, the Father of the spirits of all flesh—when one man sins, will you be angry with the whole congregation?" Asi Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo vakadanidzira zvikuru vachiti, “Haiwa Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, mungatsamwira ungano yose here munhu mumwe chete angotadza?”
23 Then our Father said to Moses, Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
24 "Say to the congregation: Move away from the dwellings of Korah, Dathan, and Abiram." “Uti kuungano, ‘Sudurukai mubve pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu.’ ”
25 So Moses got up and went to Dathan and Abiram, and the elders of Israel followed him. Mozisi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu uye vakuru veIsraeri vakamutevera.
26 He told the congregation, "Leave the tents of these wicked men. Touch nothing of theirs, or you'll be swept away in all their sins." Akayambira ungano akati, “Sudurukai mubve pamatende avanhu vakaipa ava! Musabata chinhu chipi zvacho chinenge chiri chavo, kuti murege kuparadzwa nokuda kwezvivi zvavo zvose.”
27 So they withdrew from the tents of Korah, Dathan, and Abiram on every side, while Dathan and Abiram came out and stood at their tent entrances with their wives, sons, and little ones. Saka vakasuduruka vakabva pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakanga vabuda kunze uye vakanga vakamira navakadzi vavo, vana navacheche vari pamukova pamatende avo.
28 Moses said, "This is how you'll know our Father sent me to do all these things, and that none of it was my own idea: Ipapo Mozisi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite zvinhu izvi zvose uye kuti dzakanga dzisiri pfungwa dzangu:
29 If these men die a normal death, sharing the fate of everyone, then our Father has not sent me. Kana varume ava vakafa savamwe vanhu uye vakasangana nezvinongoitika kuvanhu vose, ipapo Jehovha anenge asina kundituma.
30 But if our Father creates something new, and the ground opens its mouth and swallows them with all that is theirs, and they go down alive into the grave, then you will know these men have despised our Father." Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva, uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.”
31 As soon as he finished saying all this, the ground beneath them split open, Akati achangopedza kutaura zvose izvi, pasi pavo pakatsemuka
32 the earth opened its mouth, swallowing them, their households, all Korah's people, and all their possessions. uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose.
33 They and all who were theirs went down alive into the grave; the earth closed over them, and they were destroyed from the assembly. Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano.
34 All Israel around them fled at their cry, for they said, "The earth may swallow us too!" Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!”
35 Fire came out from our Father and consumed the 250 men offering the incense. Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuhwira.
36 Not in this edition Jehovha akati kuna Mozisi,
37 Not in this edition “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene,
38 Not in this edition idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.”
39 Not in this edition Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari,
40 Not in this edition sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuhwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.
41 Not in this edition Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.”
42 Not in this edition Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
43 Not in this edition Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana,
44 Not in this edition uye Jehovha akati kuna Mozisi,
45 Not in this edition “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo.
46 Not in this edition Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuhwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”
47 Not in this edition Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuhwira akavayananisira.
48 Not in this edition Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo.
49 Not in this edition Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora.
50 Not in this edition Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi pamukova wokupinda muTende Rokusangana, nokuti denda rakanga rapera.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]