Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Miriam and Aaron spoke against Moses over the Cushite woman he had married—he had married a Cushite woman. Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia.
2 They said, "Has our Father spoken only through Moses? Hasn't he also spoken through us?" And our Father heard it. “Ko, Jehovha akangotaura naMozisi oga here? Ko, haana kutaura kubudikidza nesuwo here?” Uye Jehovha akazvinzwa.
3 Now the man Moses was very humble, more than anyone else on the face of the earth. Zvino Mozisi akanga ari munhu akazvininipisa kwazvo, akazvininipisa kupfuura ani zvake pamusoro penyika.
4 Suddenly our Father told Moses, Aaron, and Miriam, "Come out, you three, to the tent of meeting." The three went out. Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, Aroni naMiriamu, “Budai muuye kuTende Rokusangana, mose muri vatatu.” Saka vakabuda ivo vari vatatu.
5 Then our Father came down in a pillar of cloud, stood at the tent entrance, called Aaron and Miriam, and both came forward. Ipapo Jehovha akaburuka ari mushongwe yegore; akamira pamukova wokupinda kuTende akadana Aroni naMiriamu. Vakati vachibuda vari vaviri,
6 He said, "Hear my words: if a prophet is among you, I, your Father, reveal myself to him in a vision, speak to him in a dream. akati kwavari, “Teererai mashoko angu: “Kana pano muprofita pakati penyu, ndinozviratidza kwaari nezviratidzo, ndinotaura naye muzviratidzo, ndinotaura naye muzviroto.
7 Not so with my servant Moses; he is faithful in all my house. Asi hazvina kudaro kuna Mozisi muranda wangu; iye akatendeka muimba yangu yose.
8 With him I speak mouth to mouth, clearly and not in riddles, and he sees the form of our Father. Why then were you not afraid to speak against my servant Moses?" Ndinotaura naye takatarisana, pachena kwete nezvirahwe; iye anoona chimiro chaJehovha. Zvino makarega seiko kutya kutaura muchipopotera muranda wangu Mozisi?”
9 So the anger of our Father burned against them, and he departed. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavo, uye akavasiya.
10 When the cloud lifted from over the tent, there was Miriam—diseased, white as snow. Aaron turned to Miriam, and there—diseased. Gore rakati rabva pamusoro peTende, onei Miriamu amirepo ava namaperembudzi, akachena sechando. Aroni akatendeukira kwaari akaona kuti akanga ava namaperembudzi.
11 Aaron told Moses, "Please, my lord, don't hold against us the sin of our foolishness and wrongdoing. Ipapo akati kuna Mozisi, “Ndapota, ishe wangu, regai kuisa pamusoro pedu chivi chataita noupenzi.
12 Don't let her be like a stillborn, its flesh half-consumed leaving its mother's womb." Musarega achifanana nomwana akazvarwa akafa mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.”
13 So Moses cried out to our Father, "Please, my Father, please heal her!" Saka Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Haiwa Mwari, ndapota hangu muporesei!”
14 But our Father told Moses, "If her father had only spit in her face, wouldn't she be ashamed seven days? Shut her outside the camp seven days; then bring her back." Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Dai baba vake vanga vamupfira kumeso kwake, haazainyara kwamazuva manomwe here? Mubudise kunze kwomusasa kwamazuva manomwe; mugomudzosa henyu pashure.”
15 Miriam was shut outside the camp seven days; the people did not move until she was brought back. Saka Miriamu akabudiswa kunze kwomusasa kwamazuva manomwe, uye vanhu havana kupfuurira mberi kusvikira adzoswa.
16 After that the people set out from Hazeroth and camped in the Wilderness of Paran. Shure kwaizvozvo, vanhu vakabva paHazeroti vakandodzika musasa muRenje reParani.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]