Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The people complained about their hardship where our Father could hear; he heard, his anger burned, and the fire of our Father blazed among them, consuming the camp's edge. Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa.
2 The people cried out to Moses, Moses prayed to our Father, and the fire died down. Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima.
3 So that place was named Taberah, because the fire of our Father had blazed among them. Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo.
4 The mixed crowd among them craved intensely; Israel's people also wept again, saying, "If only we had meat to eat! Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye?
5 We remember the fish we ate in Egypt free, the cucumbers, melons, leeks, onions, and garlic. Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri.
6 But now our appetite is gone; there is nothing at all to see but this manna." Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.”
7 Now the manna was like coriander seed, and it looked like pale resin. Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri.
8 The people went about gathering it, ground it in mills or crushed it in mortars, boiled it in pots, and shaped it into cakes. It tasted like pastry made with oil. Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi.
9 When the dew fell on the camp at night, the manna fell with it. Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo.
10 Moses heard the people weeping by their clans, each at his tent entrance. The anger of our Father burned greatly, and it seemed wrong to Moses. Mozisi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachiungudza, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha akatsamwa kwazvo, uye Mozisi akatambudzika.
11 Moses said to our Father, "Why have you mistreated your servant? Why haven't I found favor with you, that you put this whole people's burden on me? Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu?
12 Did I conceive all these people? Did I give birth to them, that you'd tell me, 'Carry them in your arms, as a caregiver carries a nursing baby,' to the land you swore to give their ancestors? Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo?
13 Where can I get meat for all these people? They keep weeping to me, saying, 'Give us meat to eat!' Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’
14 I cannot carry all these people by myself; it is too heavy for me. Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo.
15 If this is how you treat me, please kill me now—if I have found favor in your eyes—and don't let me see my own misery." Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.”
16 Then our Father told Moses, "Gather for me seventy men from Israel's elders, whom you know as elders and officers of the people, and bring them to the meeting tent, and let them stand there with you. Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo.
17 I will come down, speak with you there, take some of the Spirit on you, and put it on them. They will carry the people's burden with you, so you won't carry it alone. Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga.
18 Tell the people: Dedicate yourselves for tomorrow—you will eat meat. You wept in our Father's hearing, saying, 'If only we had meat to eat! We were better off in Egypt.' So our Father will give you meat, and you will eat. “Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya.
19 Not for one day, two, five, ten, or twenty days will you eat it, Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri,
20 but a whole month, until it comes out your nostrils and disgusts you—because you rejected our Father among you, weeping before him, saying, 'Why did we ever leave Egypt?'" asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maichema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?” ’ ”
21 Moses said, "The people I'm with number 600,000 on foot, yet you say, 'I will give them meat to eat for a whole month'?" Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’
22 Could flocks and herds be slaughtered to satisfy them? Could all the fish of the sea be gathered to satisfy them? Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?”
23 Our Father said to Moses, "Is my hand too short? Now you'll see whether my word comes true for you or not." Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.”
24 Moses went out and told the people our Father's words. He gathered seventy men from the people's elders and stationed them around the tent. Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende.
25 Then our Father came down in the cloud, spoke to him, took some of the Spirit on him, and put it on the seventy elders. When the Spirit rested on them, they prophesied—but not again. Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve.
26 Two men had remained in the camp, one named Eldad, the other Medad, and the Spirit rested on them—they were among those registered but had not gone out to the tent—yet they prophesied in the camp. Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa.
27 A young man ran and reported to Moses, "Eldad and Medad are prophesying in the camp." Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.”
28 Joshua son of Nun, Moses' assistant from his youth, said: "My lord Moses, hold them back!" Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!”
29 But Moses replied, "Are you jealous for me? I wish all our Father's people were prophets, that our Father would put his Spirit on them!" Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!”
30 Then Moses returned to the camp, he and the elders of Israel. Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.
31 A wind went out from our Father, drove quail from the sea, and dropped them around the camp—about a day's journey on each side, about three feet deep on the ground. Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose.
32 The people were up all that day, all night, and all the next day gathering the quail—the least gathered sixty bushels—then spread it all out for themselves around the camp. Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumi. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa.
33 While the meat was still between their teeth, not yet chewed, our Father's anger burned against the people, and our Father struck them with a very severe plague. Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa.
34 That place was named Kibroth-hattaavah, because there they buried the people who craved. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya.
35 From Kibroth-hattaavah the people set out for Hazeroth, and they stayed at Hazeroth. Vanhu vakabva paKibhuroti Hataavha vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]