Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Make yourself two silver trumpets, hammered work; use them to call the community and to move the camps. “Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe.
3 When both sound, the whole community must gather to you at the entrance to the tent of meeting. Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana.
4 But if only one is blown, the leaders—heads of Israel's clans—are to gather to you. Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako.
5 When you sound a blast, the camps on the east side are to set out. Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba.
6 Sound a second blast: camps on the south side set out. Sound a blast for their setting out. Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe.
7 But when you call the assembly together, blow a steady note, not an alarm. Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo.
8 Aaron's sons, the priests, are to blow the trumpets—a lasting law for you throughout your generations. “Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera.
9 When you go to war in your land against the enemy crushing you, sound an alarm on the trumpets—you will be remembered before me and saved from your enemies. Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu uye muchanunurwa kubva kuvavengi venyu.
10 Also on your day of joy, at your appointed feasts and new moons, blow the trumpets over your burnt offerings and over your peace offerings—a memorial for you before our Father. I am your Father." Uyezve, panguva dzenyu dzokufara, pamitambo yenyu yakatarwa uye nemitambo yoKugara kwoMwedzi, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, uye zvichava chirangaridzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
11 In the second year, second month, on the twentieth day, the cloud lifted from over the tabernacle of the testimony. Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro.
12 The Israelites set out from the Sinai wilderness, stage by stage; the cloud settled in the Paran wilderness. Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani.
13 This was their first setting out, at our Father's command through Moses. Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
14 Judah's camp banner set out first, by their divisions, Nahshon son of Amminadab over his division. Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira.
15 Nethanel son of Zuar was over the division of the tribe of Issachar, Netaneri mwanakomana waZuari akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaIsakari.
16 and Eliab son of Helon was over the division of the tribe of Zebulun. Uye Eriabhi mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.
17 The tabernacle was taken down, and the sons of Gershon and sons of Merari set out, carrying it. Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakatanga kufamba.
18 Reuben's camp standard set out by divisions, Elizur son of Shedeur over its division. Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira.
19 Shelumiel son of Zurishaddai was over the division of the tribe of Simeon, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni,
20 and Eliasaph son of Deuel was over the division of the tribe of Gad. uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi.
21 The Kohathites set out carrying the holy things, and the tabernacle was set up before they arrived. Ipapo vaKohati vakasimuka, vakatakura zvinhu zvitsvene. Tabhenakeri yaifanira kumiswa vasati vasvika.
22 Ephraim's camp standard set out by division, Elishama son of Ammihud over its division. Mapoka omusasa waEfuremu akatevera; vari pasi pomureza wavo. Erishama mwanakomana waAmihudhi akanga achivatungamirira.
23 Gamaliel son of Pedahzur was over the division of the tribe of Manasseh, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaManase.
24 and Abidan son of Gideoni was over the division of the tribe of Benjamin. Uye Abhidhani mwanakomana waGidheoni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaBhenjamini.
25 Dan's camp standard set out, rear guard of all the camps, by their divisions, with Ahiezer son of Ammishaddai over its division. Pakupedzisira, samapoka aichengetedza kumashure kwamapoka ose, mapoka omusasa waDhani akasimuka, ari pasi pomureza wavo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye akanga achivatungamirira.
26 Pagiel son of Ochran was over the division of the tribe of Asher, Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri;
27 and Ahira son of Enan was over the division of the tribe of Naphtali. uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari.
28 This was the order of march for the Israelites by their divisions as they set out. Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo.
29 Moses said to Hobab son of Reuel the Midianite, his father-in-law, "We are traveling to the place our Father said, 'I will give it to you.' Come with us; we will treat you well, for our Father has promised good to Israel." Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.”
30 But Hobab said to him, "I will not go; I am returning to my own land and my own people." Iye akapindura akati, “Kwete, handingaendi; ndiri kudzokera kunyika yangu nokuvanhu vokwangu.”
31 Moses said, "Please don't leave us, since you know where we should camp in the wilderness, and you'll be our eyes. Asi Mozisi akati kwaari, “Ndapota hangu regai kutisiya. Munoziva patinofanira kuvaka musasa wedu murenje, uye imi mungava meso edu.
32 If you come with us, whatever good our Father does for us, we'll do the same for you." Kana mukaenda nesu, tichagovana nemi chinhu chipi nechipi chatichapiwa naJehovha.”
33 They set out from the mountain of our Father on a three-day journey, and the ark of our Father's covenant went ahead of them that three-day journey, seeking a resting place for them. Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera.
34 The cloud of our Father was over them by day as they left the camp. Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa.
35 Whenever the ark set out, Moses said, "Rise, O Father! Let your enemies be scattered; let those who hate you flee before you." Paingosimuka areka, Mozisi aiti, “Haiwa Jehovha, simukai! Vavengi venyu ngavaparadzirwe, vavengi venyu ngavatize pamberi penyu.”
36 Whenever it rested, he'd say, "Return, O Father, to Israel's countless thousands." Payaigadzikwa pasi, iye aiti, “Haiwa Jehovha, dzokai kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]