Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses in the Sinai wilderness, in the first month of the second year after they left Egypt: Jehovha akataura kuna Mozisi murenje reSinai mumwedzi wokutanga wegore rechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Akati kwaari,
2 "Let the people of Israel keep the Passover at its appointed time. “Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa.
3 On this month's fourteenth day, at twilight, observe it at its set time, by all its statutes and all its rules." Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.”
4 So Moses told the people of Israel that they should keep the Passover. Saka Mozisi akataurira vaIsraeri kuti vapemberere Pasika,
5 In the wilderness of Sinai, they kept the Passover on day fourteen of the first month, at twilight, as our Father commanded Moses; so the children of Israel did. ivo vakaita saizvozvo murenje reSinai panguva yorubvunzavaeni nezuva regumi namana romwedzi wokutanga. VaIsraeri vakaita zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
6 Some men were unclean from touching a corpse and could not observe Passover that day, so they came before Moses and Aaron that day. Asi vamwe vavo havana kupemberera Pasika nomusi iwoyo nokuti vakanga vasina kuchena nokuda kwechitunha. Saka vakauya kuna Mozisi naAroni musi iwoyo uye,
7 Those men said to him, "We are unclean from a dead body. Why must we be kept from presenting our Father's offering at its appointed time among the Israelites?" vakati kuna Mozisi, “Isu tava vasina kuchena nokuda kwechitunha, asi tinodzivisirweiko kuvigira Jehovha chipiriso pamwe chete navamwe vaIsraeri panguva yakatarwa?”
8 And Moses said to them, "Wait here until I hear what our Father will command about this." Mozisi akavapindura akati, “Mirai kusvikira ndanzwa zvinorayirwa naJehovha pamusoro penyu.”
9 Our Father spoke to Moses, saying, Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
10 "Tell the Israelites: if any of you or your descendants is unclean from a corpse, or off on a distant journey, he may still keep the Passover to our Father. “Taurira vaIsraeri kuti: ‘Mumwe wenyu kana zvizvarwa zvenyu kana vasvibiswa nokuda kwechitunha uye kana kuti vari parwendo, naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha.
11 In month two, on day fourteen, at twilight, they must keep it, eating it with unleavened bread and bitter herbs. Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava.
12 They are to leave none of it until morning, break no bone of it, and keep it by every statute of the Passover. Havafaniri kusiya chinhu kusvikira mangwanani kana kuvhuna mapfupa aro. Pavanopemberera Pasika, vanofanira kutevedza mitemo yose.
13 But if a man is clean and not traveling, yet does not keep the Passover, that person must be cut off from his people, because he failed to bring our Father's offering at its set time; that man will bear his sin. Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake.
14 "If a foreigner living among you wants to keep the Passover to our Father, he must follow the Passover's statute and rule. One statute applies to both foreigner and native of the land." “ ‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’ ”
15 When the tabernacle—the tent of the testimony—was set up, the cloud covered it; from evening until morning it looked like fire over the tabernacle. Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto.
16 So it was continually: the cloud covered it by day, and the appearance of fire by night. Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku rairatidzika somoto.
17 Whenever the cloud lifted from over the tent, the Israelites set out; wherever it settled, the Israelites camped. Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo.
18 At our Father's command Israel's people set out; at our Father's command they camped. As long as the cloud rested over the tabernacle, they remained camped. Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayira kwake, vaibva vadzika musasa.
19 When the cloud lingered over the tabernacle many days, the Israelites kept our Father's charge and did not set out. Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa.
20 Sometimes the cloud stayed on the dwelling only a few days: at the command of our Father they camped, at the command of our Father they set out. Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba.
21 Sometimes the cloud stayed from evening to morning; when it lifted in the morning, they set out. Whether by day or night, when the cloud lifted, they set out. Dzimwe nguva gore raingogara kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, uye paraingosimuka mangwanani vaibva vafamba. Paingosimuka gore, angava masikati kana usiku, vaibva vafamba.
22 Whether two days, a month, or longer, while the cloud remained over the tabernacle, Israel stayed in camp and did not set out; when it lifted, they set out. Kana gore rikagara pamusoro petabhenakeri kwamazuva maviri kana mwedzi, kana gore rimwe chete, vaIsraeri vairamba vari mumusasa uye vasingafambi; asi kana rikasimuka ivo vaibva vafamba.
23 At our Father's command they camped; at his command they set out. They kept his charge, at our Father's command through Moses. Sokurayira kwaJehovha, vaidzika musasa, uye sokurayira kwaJehovha, vaifamba. Vakateerera kurayira kwaJehovha, maererano nokurayira kwake kubudikidza naMozisi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]