Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Lamentations 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Remember, our Father, what has happened to us; look and see our disgrace. Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.
2 Our inheritance has been turned over to strangers, our homes to foreigners. Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure.
3 We have become orphans, fatherless; our mothers are like widows. Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi.
4 We pay for our own water to drink; even firewood costs us money. Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.
5 Our pursuers are at our necks; we are worn out and given no rest. Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo.
6 We submitted to Egypt and Assyria just to get enough bread. Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane chingwa chakakwana.
7 Our ancestors sinned, and are no more; and we bear their punishment. Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo.
8 Slaves rule over us; there is no one to free us from their grip. Varanda vanotitonga, uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.
9 We risk our lives to get our bread, because of the sword in the wilderness. Tinowana chingwa chedu nokuisa upenyu hwedu munjodzi, nokuda kwomunondo murenje.
10 Our skin is hot as an oven, scorched by the burning heat of famine. Ganda redu rava kupisa sechoto, nokuda kwokupisa kwenzara.
11 Women are violated in Zion, virgins in the cities of Judah. Vakachinya vakadzi muZioni, mhandara, mumaguta eJudha.
12 Princes are hung up by their hands; the elders receive no respect. Machinda akasungirirwa namaoko avo; vakuru havakudzwi.
13 Young men toil at the millstones; boys stagger under loads of wood. Majaya anoshanda paguyo; vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.
14 The elders have left the city gate, the young men their music. Vakuru vakabva pasuo reguta; majaya akarega kuimba kwavo.
15 The joy of our hearts has ceased; our dancing has turned to mourning. Mufaro mumwoyo medu waguma; kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.
16 The crown has fallen from our head. Woe to us, for we have sinned! Korona yawa kubva pamusoro wedu. Tine nhamo isu, nokuti takatadza!
17 Because of this our heart has grown faint; because of these things our eyes have grown dim. Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba, nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,
18 For Mount Zion lies desolate; jackals prowl over it. nokuti Gomo reZioni rava dongo, makava ofambamo.
19 You, our Father, are enthroned forever; your throne endures from generation to generation. Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.
20 Why do you forget us forever, forsake us for so many days? Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?
21 Restore us to yourself, our Father, and we will return; renew our days as they once were, Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare,
22 unless you have utterly rejected us, and are angry with us beyond measure. kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]