Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Lamentations 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 How the gold has grown dim, how the purest gold is changed! The sacred stones lie scattered at every street corner. Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe.
2 The precious children of Zion, once worth their weight in fine gold, how they are now counted as clay pots, the work of a potter's hands! Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari!
3 Even jackals offer the breast and nurse their young, but the daughter of my people has turned cruel, like ostriches in the wilderness. Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga.
4 The tongue of the nursing infant sticks to the roof of its mouth from thirst; the children beg for bread, but no one gives them a piece. Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche runonamira mumukanwa make; vana vanopemha chingwa, asi hakuna anovapa.
5 Those who once feasted on delicacies now lie desolate in the streets; those who grew up wearing fine purple now cling to ash heaps. Avo vaisidya zvinonaka vava vapemhi mumugwagwa. Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru zvino vava kuvata pamadurunhuru edota.
6 The guilt of the daughter of my people is greater than the sin of Sodom, which was overthrown in a moment, though no human hand was laid against her. Kurangwa kwavanhu vangu kukuru kupinda kweSodhomu, rakaparadzwa pakarepo pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira.
7 Her princes were purer than snow, whiter than milk; their bodies more rosy than coral, their form like sapphire. Machinda avo aipenya kupfuura chando, uye akanga akachena kupfuura mukaka, miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri.
8 Now their appearance is blacker than soot; they go unrecognized in the streets. Their skin has shriveled on their bones; it has dried up like wood. Asi zvino vasviba kupfuura chinʼai; hapana angavaziva mumigwagwa. Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; raoma zvokufanana nedanda.
9 Those slain by the sword were better off than those slain by hunger, who wasted away, pierced through with hunger for lack of food from the fields. Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani pane avo vanourayiwa nenzara; vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda.
10 The hands of compassionate women boiled their own children; they became their food when the daughter of my people was destroyed. Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, vakava zvokudya zvavo, pakaparadzwa vanhu vangu.
11 Our Father gave full vent to his wrath; he poured out his burning anger and kindled a fire in Zion that consumed her foundations. Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; akadurura hasha dzake dzinotyisa. Akabatidza moto paZioni akapisa nheyo dzaro.
12 The kings of the earth did not believe, nor did anyone living on earth, that an enemy or a foe could enter the gates of Jerusalem. Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navanhu vose vagere panyika, kuti vavengi vangapinda pamasuo eJerusarema.
13 It was for the sins of her prophets and the crimes of her priests, who shed in her midst the blood of the righteous. Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.
14 They wandered blind through the streets, defiled with blood, so that no one could touch their garments. Vanodzungaira munzira dzaro savarume mapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.
15 "Away! Unclean!" people cried at them. "Away! Away! Do not touch!" So they fled and wandered, and among the nations it was said, "They can stay here no longer." Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.”
16 Our Father's presence has scattered them; he will look on them no longer. No honor was shown to the priests, no favor to the elders. Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru.
17 Our eyes grew weary watching in vain for help; from our watchtowers we watched for a nation that could not save. Meso edu oonera madzerere, tichitarisira rubatsiro rusingauyi; tiri pashongwe dzedu takatarisira rudzi rwaizotiponesa.
18 They stalked our steps so we could not walk in our streets. Our end drew near, our days were numbered, for our end had come. Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika.
19 Our pursuers were swifter than eagles in the sky; they chased us over the mountains and lay in wait for us in the wilderness. Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura makondo okudenga; vakatidzinganisa napamusoro pamakomo uye vakatigaririra murenje.
20 Our very life-breath, our Father's anointed, was captured in their pits—the one of whom we said, "Under his shadow we will live among the nations." Muzodziwa waJehovha, iye mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi.
21 Rejoice and be glad, daughter of Edom, you who live in the land of Uz; but the cup of his anger will come to you as well—you will become drunk and strip yourself bare. Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, iwe unogara munyika yeUzi. Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo.
22 Your punishment is complete, daughter of Zion; he will not prolong your exile. But your guilt, daughter of Edom, he will punish; he will lay bare your sins. Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; haangawedzeri mazuva ako outapwa. Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako agoratidza kuipa kwako.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]