Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Lamentations 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I am the man who has seen affliction under the rod of his wrath. Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
2 He has driven me away and made me walk in darkness without any light. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
3 Surely against me he turns his hand again and again, all day long. zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
4 He has worn away my flesh and my skin; he has broken my bones. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
5 He has besieged me and surrounded me with bitterness and hardship. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
6 He has made me dwell in darkness like those long dead. Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare.
7 He has walled me in so I cannot escape; he has weighed down my chains. Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
8 Even when I call out and cry for help, he shuts out my prayer. Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
9 He has blocked my ways with cut stones; he has made my paths crooked. Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10 He is a bear lying in wait for me, a lion in hiding. Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
11 He drove me off my path and tore me to pieces; he has made me desolate. akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri.
12 He bent his bow and set me as the target for his arrow. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
13 He drove the arrows of his quiver into my vitals. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14 I have become the laughingstock of all my people, their mocking song all day long. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15 He has filled me with bitterness; he has sated me with bitterness. Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru.
16 He has made my teeth grind on gravel, and made me cower in the dust. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17 My soul has lost all peace; I have forgotten what happiness is. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18 So I say, "My endurance has perished, and so has my hope from our Father." Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19 Remember my affliction and my wandering, the bitterness and the gall! Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
20 My soul continually remembers it and is bowed down within me. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
21 But this I call to mind, and therefore I have hope: Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
22 The covenant love of our Father never ceases; his mercies never come to an end; Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
23 they are new every morning; great is your faithfulness. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
24 "Our Father is all I need," says my soul, "therefore I will hope in him." Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
25 Our Father is good to those who wait for him, to the soul who seeks him. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
26 It is good to wait quietly for the salvation of our Father. chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
27 It is good for a man to bear the yoke in his youth. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
28 Let him sit alone in silence when it is laid on him; Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.
29 let him put his mouth in the dust—there may yet be hope; Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.
30 let him give his cheek to the one who strikes, and be filled with insults. Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.
31 For the Sovereign Father will not abandon forever. Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.
32 Though he causes grief, he will have compassion according to the abundance of his covenant love; Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
33 for he does not willingly afflict or grieve people. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
34 To crush underfoot all the prisoners of the earth, Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
35 to deny a man justice in the sight of the Most High, kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro,
36 to deprive a man of justice in his case—the Sovereign Father does not approve. kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
37 Who has spoken and it came to pass, unless the Sovereign Father has commanded it? Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
38 Is it not from the mouth of the Most High that both calamity and good come? Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
39 Why should a living man complain about the punishment for his sins? Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
40 Let us examine and test our ways, and return to our Father! Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.
41 Let us lift up our hearts and our hands to our Father in heaven: Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
42 "We have sinned and rebelled, and you have not forgiven. “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
43 You have wrapped yourself in anger and pursued us, killing without pity; “Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; makauraya musinganzwiri ngoni.
44 you have wrapped yourself with a cloud so that no prayer can pass through. Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
45 You have made us scum and refuse among the peoples. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
46 All our enemies open their mouths against us; “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
47 panic and pitfall have come upon us, devastation and destruction." Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
48 My eyes flow with streams of water over the destruction of my people. Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
49 My eyes will flow without ceasing, without respite, Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
50 until our Father looks down and sees from heaven. kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
51 My eyes bring grief to my soul at the fate of all the daughters of my city. Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
52 I have been hunted like a bird by those who were my enemies without cause; Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero vakandivhima seshiri.
53 they flung me alive into a pit and cast stones on me; Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
54 water closed over my head; I said, "I am lost." mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
55 I called on your name, my Father, from the depths of the pit; Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56 you heard my plea: "Do not turn a deaf ear to my cry for help!" Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57 You came near on the day I called on you; you said, "Do not fear!" Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
58 You have taken up my cause, Sovereign Father; you have redeemed my life. Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
59 You have seen the wrong done to me, my Father; judge my cause. Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
60 You have seen all their vengeance, all their plots against me. Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
61 You have heard their taunts, my Father, all their plots against me, Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,
62 the lips and thoughts of my assailants against me all day long. dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.
63 Watch their every move; I am the object of their mocking song. Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.
64 You will repay them, my Father, according to the work of their hands. Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.
65 You will give them hardness of heart; your curse will be on them. Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!
66 You will pursue them in anger and destroy them from under the heavens of our Father. Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]