Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Job 18 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Bhiridhadhi

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2“Muchapedza kutaura uku riiniko?Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

3Tinobatirweiko semombeuye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?

4Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

5“Mwenje weakaipa unodzimwa;murazvo womoto wake unopera kupisa.

6Chiedza chiri mutende rake chinova rima;mwenje uri parutivi pake unodzima.

7Simba renhambwe dzake rinorukutika;mano ake pachake anomuwisira pasi.

8Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9Musungo unomubata chitsitsinho;rugombe runomubatisisa.

10Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;musungo wakaradzikwa munzira yake.

11Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12Pfumvu inomudokwairira;njodzi yakamugaririra paanowa.

13Inodya zvikamu zveganda rake;dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14Anodzurwa kubva patende raanovimba naroagoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.

15Moto unogara mutende rake;safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16Moto unogara mutende rake;uye matavi ake anosvava kumusoro.

17Kurangarirwa kwake kunopera panyika;haana zita munyika.

18Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,uye anodzingwa panyika.

19Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,hakuna akasara kwaaimbogara.

20Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.

21Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]