Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Hebrews 3 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 So, holy brothers sharing a heavenly call, consider Jesus, the apostle and high priest we confess. Naizvozvo, hama dzitsvene, vanokovana kudaidziwa kwokudenga, fungitsitsai Jesu nhumwa nomuphirisita mukuru watinopupura.
2 He was faithful to the one who appointed him, as Moses also was in all our Father's house. Wanga adotendeka kuno uyo adomugadza, sekutendekawo kudoita Mozisi muimba yaMwari.
3 Jesus deserves far more glory than Moses, as a house's builder deserves more honor than the house itself. Nokuti Jesu anofanira kukudziwa kupinda Mozisi, sekukudziwa kunoitiwa muvakhi woimba kupinda imba yacho.
4 For every house is built by someone, but the builder of all things is our Father. Nokuti imba imwe noimwe inovakhiwa nomunhu, asi muvakhi wozvinhu zvese ndiMwari.
5 Moses was faithful in all our Father's house, a servant testifying to what would be spoken later. Zvino Mozisi wanga adotendeka muimba yaMwari semuranda, kuti ave chapupu chozvinhu zvaidzonyairiwa pamasure.
6 But Christ, as son, is faithful over his house. And we are his house—if we hold firm the confidence and hope we boast in. Asi Khirisitu wanga adotendeka pamusoro poimba yaMwari seMwanakomana. Uye tiri imba yache kana tikabatitsitsa kuvimba kwedu nokuzvirumbidza mutariro yedu.
7 So, as the Holy Spirit says: "Today, if you hear his voice, Naizvozvo, sezvinonyaira Mweya Mutsvene achiti, “Nasi kana muchinzva izvi rache,
8 do not harden your hearts as you did in the rebellion, on the day of testing in the wilderness, rekai kuomesa mwoyo yenyu sepanguwa yokupanduka pazuva rokuyedzewa musango,
9 where your ancestors put me to the test and saw my works for forty years. pandidoyedzewa nomadzibaba venyu vadoona mabasa yangu kwomakore makumi manai.
10 That is why I was angry with that generation, and I said, 'Their hearts are always going astray, and they have not known my ways.' Naizvozvo ndidokaripisiwa norudzi rakarero, ndikati, ‘Vanogara vachimbondotaika mumwoyo yavo, havanai kuziva nzira dzangu.’
11 So I swore in my anger, 'They will never enter my rest.'" Ndidopika muukari hwangu, ndikati, ‘Havachapinda pazororo rangu!’”
12 Brothers, watch that none of you has an evil, unbelieving heart that deserts the living Father. Chenjerai, hama dzangu, kuti mukati moumwe wenyu mureke kuva nomwoyo udoipa usingatende, mutsauke muchibirika kubva kuna Mwari mupenyu.
13 But encourage each other daily, while it is called "today," so none of you becomes hardened by sin's deceit. Asi simbisanai zuva rimwe norimwe, kana kuchiri kunzi “Nasi,” kuti kureke kuva noumwe wenyu anoomesewa mwoyo nokunyengera kwochitema.
14 For we have become sharers in Christ, if we truly keep our first confidence firm to the end. Nokuti tinokovana muna Khirisitu, kana tichibatitsitsa mavambo yokutenda kwedu kusvikira pakupedzisira.
15 As it is said: "Today, if you hear his voice, do not harden your hearts as when you rebelled." Pazvinonyaihwa zvichinzi, “Nasi, kana muchinzva izvi rache, rekai kuomesa mwoyo yenyu sepanguwa dzokupanduka.”
16 Who heard and rebelled? Wasn't it all who left Egypt through Moses? Mbanaani vadonzva uye vadomupandukira? Vanga vasiri ivo vese vadobirika muIjipiti pasi poutungamiriri hwaMozisi chere?
17 With whom was he angry forty years? Was it not with those who sinned, whose bodies fell in the wilderness? Mbanani vadomukaripisa kwomakore makumi manai? Vanga vasiri ivo chere anyakutadza, vano mitumbi idowira musango?
18 Who did he swear would never enter his rest, except those who disobeyed? Anga adopika kunaani achiti havapinde pazororo rangu, ndivoba vokutadza kuteerera?
19 So we see they couldn't enter because of lack of faith. Saka tinoona kuti vanga vasingakwanise kupinda nokuda kwokusatenda kwavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]