Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

Hebrews 2 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 So we must pay closer attention to what we've heard, or we may drift away. Nokudaro tinofanira kutetekeretsa kuno zvakarezvo zvatidonzva, kuti tireke kubirika kubva pazviri.
2 For if the word spoken through angels held firm, and every wrongdoing and disobedience got just payment, Nokuti kana mashoko yadonyairiwa nongirozi yanga yanosimba uye kutadza kwese nokusatetekera kwese kudopasiwa mubairo udofanira,
3 how will we escape if we neglect so great a salvation? First announced by the Lord, it was confirmed to us by those who heard him, tichapukunyuka tiniko kana tisinai basa nokuponesewa kukuru kudodai? Kudoparidziwa pakuthanga naIshe, kukasimbisiwa kwatiri novakarevo vadomunzva.
4 while our Father also testified with them through signs, wonders, various miracles, and distributions of the Holy Spirit, according to his will. Naiyewo Mwari adopupura nozviratidzo nozvishamiso nominana mizinji uye nozvipo zvoMweya Mutsvene zvidokovehwa nokuda kwache.
5 For it was not to angels that our Father subjected the coming world we're speaking of. Nokuti Mwari haanai kuisa pasi pongirozi nyika inouya yatiri kunyaira nozvayo.
6 Someone has testified somewhere, "What is man, that you are mindful of him, or the son of man, that you care for him? Asi zvidopupuriwa noumwe panoimwe nzvimbo achiti, “Ko munhu chiiko zvamunomuitira hanya, kana mwanakomana womunhu zvamunomubvakachira?
7 You made him for a little while lower than the angels; you crowned him with glory and honor, Kwokanguwa mudomuderedza pashoma panongirozi mudomushongedza korona yokubhwinya nokukudziwa,
8 putting everything in subjection under his feet." Now in subjecting everything to him, our Father left nothing outside his control. At present, however, we do not yet see everything subjected to Christ. mudoisa zvinhu zvese pasi potsoka dzache.” Zvino pakuisa zvinhu zvese pasi pache, haanai kusiya chinhu kunze chisinai kuisiwa pasi pache. Panguwa ino hatinati taona zvinhu zvese zviri pasi pache.
9 But we see Jesus, made lower than the angels for a little while, now crowned with glory and honor because he suffered death, so that by our Father's grace he might taste death for everyone. Asi tinoona Jesu, iye kwokanguwa kapfupi adoitiwa mudiki pashoma kungirozi, asi zvino adoshongedzewa korona yokubhwinya nokukudziwa nondava yokuti adotambudzika pakupfa, kuitira kuti nomutsa waMwari aravire ipfa nokuda kwomunhu wese.
10 It was fitting that our Father, for whom and through whom all things exist, should perfect the pioneer of their salvation through suffering, bringing many sons to glory. Nokuti zvanga zvidokodzera kuti zvinhu zvese zvidoitihwa iye uye kuti zvinhu zvese zviripo nokuda kwache, pakuuyisa kwache vanakomana vadowanda pakubhwinya, akwanise kuva muvambi woruponiso ravo rudokwana kuburikidza nokutambudzika.
11 The one who makes holy and those made holy all come from one Father. That's why he isn't ashamed to call them brothers and sisters, Nokuti uyo anovaita vatsvene novakarevo vanoitiwa vatsvene vese mbabodzi. Ndosaka asinganyare kuvadaidza kuti hama.
12 saying, "I will proclaim your name to my brothers and sisters; I will sing your praise amid the assembly." Iye anoti, “Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati poungano ndichakurumbidzai.”
13 And again, "I will trust in him." And again, "Here am I, and the children our Father gave me." Pakare, “Ndichaisa kuvimba kwangu maari.” Uye, “Pano ndini, novana vandidopasiwa naMwari.”
14 Since the children share flesh and blood, he too shared them, so that through death he might destroy the one holding the power of death—the devil, Nokudaro vana zvavari vonyama nogazi, naiyewo pachake adotorawo zvibodzibodzizvo, kuti kuburikidza noipfa aparadze anosimba roipfa, iye, jabhurosi,
15 and free all those who, through fear of death, were enslaved their whole lives. wosunungura ivo vese vadoitiwa varanda kwoupenyu hwese kuburikidza nokucha ipfa.
16 For surely it is not angels he helps, but the descendants of Abraham. Nokuti pachokwadi haabatsiri ngirozi asi vana vaAbhurahamu.
17 So he had to become like his brothers and sisters in every way, to be a merciful and faithful high priest serving our Father, clearing away the people's sins. Naizvozvo adofanira kuti afanane nohama dzache pazvese, kuitira kuti ave muphirisita mukuru adotendeka uye anomutsa mubasa raMwari, kuti adzikinure zvitema zvovanhu.
18 Since he himself suffered when tempted, he can help those being tempted. Nokuti iye pachake adotambudzika paadoyedzewa, anogona kubatsira vanoyedzewa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]